Nziyo 103 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuda MwariRwiyo rwaDhavhidhi.

1Rumbidza TENZI iwe mweya wangu

uye zvose zviri mandiri,

rumbidzai zita rake rinoera.

2Rumbidza TENZI iwe mweya wangu;

usakanganwe zvikomborero zvake zvose.

3Iye anoregerera uipi hwako hwose;

anokurapa zvirwere zvako zvose

4anokununura kuti urege kuenda kuguva.

Pamusoro pazvose anokuitira mwoyochena netsitsi.

5Anokugutsa nezvinhu zvakanaka

upenyu hwako hwose

achikugwinyisa zvokuti unoramba

uri mudiki segondo.

6TENZI anomiririra nokuitira zvino ruenzaniso

vose vanodzvinyirirwa.

7Akazivisa nzira dzake kuna Mosesi

namabasa ake kuvanhu veIsiraeri.

8TENZI ane tsitsi nengoni

haakurumidzi kushatirwa

uye ane mwoyochena wakawanda.

9Haarambi achingotsiura

kana kuramba akashatirwa.

10Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu

kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu.

11Sokukwira kwakaita denga kubva pasi

ndokukura kwakaita mwoyochena wake

kuna vanomutya.

12Sokutaramukana kwakaita

kumabvazuva nokumadokero

ndokutaramutsa kwaanoita

zvikanganiso zvedu kubva kwatiri.

13Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo,

TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya

14nokuti anoziva maumbirwo atakaitwa

anoyeuka kuti tiri huruva.

15Asi munhu mazuva ake akaita souswa

anokura seruva romusango.

16Mhepo inongoti pfuurei napariri

irowo hutu kuenda,

nzvimbo yaro haizomboriziva.

17Asi mwoyochena waTENZI

uripo narini narini

kuna vanomutya

uye ururami hwake

hunosvika kuvana vavana

18kuna vanochengeta chitenderano chake

uye vanoyeuka kuchengeta mitemo yake.

19TENZI akaisa chigaro chake chokutonga mudenga,

umambo hwake hunotonga zvose.

20Rumbidzai TENZI imi vatumwa vake vose,

imi magamba munoita zvaanoreva

muchiteerera izwi rake.

21Rumbidzai TENZI imi hondo dzake dzose dzokudenga

imi vashandi vake vanoita kuda kwake.

22Rumbidzai TENZI imi mabasa ake ose

kose kwaanotonga.

Rumbidza TENZI iwe mweya wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help