Nziyo 18 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi muranda waMwari. Dhavhidhi akadetemba mazwi erwiyo urwu kuna TENZI paakamununura mumaoko avavengi vake vose nomumaoko aSauro achiti:Rwiyo rwaDhavhidhi rwokukunda

1Ndinokudai TENZI, imi simba rangu.

2TENZI ndiye bako rangu,

ndiye nhare nomununuri wangu.

Mwari wangu ndiye bako rangu,

maari ndimo mandinopotera.

Ndiye nhoo yangu,

ndiye ane simba rokundiponesa

ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo.

3Ndinodaidzira kuna TENZI;

iye anofanira kurumbidzwa,

ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga.

4Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza,

mafashamo ohumharadzi akandirwisa.

5Tambo dzenzvimbo yavachakabvu

dzakandikochekera

mariva orufu akandigaririra.

6Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI.

Ndakachema kuna iye Mwari wangu,

kuti andibatsire muTemberi yake,

iye akanzwa izwi rangu,

kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.

7Nyika yakadedera ikandengendeka,

nheyowo dzamakomo dzakazunguzika

dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa.

8Akafemeruka utsi mumhuno dzake,

mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa.

Mukabuda mazimbe anobvira moto.

9Akabvarura denga akaburuka,

gore dema riri pasi petsoka dzake.

10Akanga akakwira pakerubhu

akabhururuka, akauya nokukurumidza

achibhururuka mumhepo.

11Akaita kuti rima rimukwidibire

rakamutenderedza

makuti matematema chaiwo emvura

akaaita chokuhwanda nacho.

12Mukupenya kwaiva mberi kwake,

pakabuda nomumakore

chimvuramahwe namazhenje omoto.

13TENZI akadhiriridza mumatenga'mu,

izwi raNyadenga rikariridza.

Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto.

14Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara,

akapenyesa mheni vakati ware kuparara.

15Makoronga omugungwa akaoneka,

pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha

nokutsiura kwenyu, TENZI

nedutu rinobva mumhuno dzenyu.

16Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora,

akandinyurura mumvura zhinji.

17Akandinunura kuvavengi vangu vane simba

nokuna vaindivenga,

nokuti vaiva nesimba kupinda ini.

18Vakandivinga pazuva renhamo dzangu,

asi TENZI ndiye akava musimboti wangu.

19Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu,

akandinunura nokuti anondifarira.

20TENZI akandipa mubayiro,

maererano nokururama kwangu,

akandidzorera zvinofambiranawo,

nokuchena maoko kwandakaita;

akandipa mubayiro

21nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI;

handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu,

22nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose,

mirawo yake handina kuibvisa kwandiri.

23Kwaari, handina chinoshoreka.

Ndakazvichengeta ndisina mhosva.

24Ndokusaka TENZI andidzorerawo

maererano nokururama kwangu

zvichifambiranawo nokuchena

kwamaoko angu mukuona kwake.

25Kuna akatendeka imi makatendeka,

kune akarurama imi makarurama.

26Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka,

asi kune ane muitiro wakakombama,

imiwo munobva mavava.

27Munonunura vanotambudzika,

asi vanozvikudza,

munovaorora.

28Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu,

imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima;

29nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi,

ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka.

30Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama,

zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi

inhoo yavose vanopotera kwaari.

31Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI?

Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu?

32Ndiye Mwari akandipa simba

akaita kuti nzira yangu ifambike.

33Makumbo angu anoaita seengururu,

kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire.

34Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo

zvokuti kunyange uta hwendarira,

maoko angu anogona kutatamura.

35Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa,

rudyi rwenyu rwakanditsigira.

Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti

ndive mukuru mukuru.

36Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru

zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.

37Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata,

ndikatozofuratira vapera kuti dhu.

38Ndakavapwanya-pwanya

zvokuti havana kukwanisa kumuka,

vakati rakata pasi petsoka dzangu.

39Makandipa simba rokurwa hondo

mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire.

40Vanondivenga makaita kuti vanditize

vanondivenga ndikavaparadza.

41Vakachemera rubatsiro

asi panga pasina wokuvanunura,

vakachema kuna TENZI

asi haana kuvapindura.

42Ndakavakuya-kuya seguruva revhu

ndakavarasa sedhaka munzira.

43Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu

makandiita musoro wendudzi dzavanhu

vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira.

44Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba,

vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera.

45Vatorwa vakarasa mwoyo,

vakabuda munhare dzavo vachidedera.

46TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe,

ngaatunhidzwe Mwari,

muponesi wangu.

47Mwari anonditsivira

anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu

48akandipunyutsa kuvavengi vangu.

Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu,

mukandinunura kuvanhu vehondo.

49Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI

mukati mendudzi

ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.

50Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo,

anoitira mwoyochena muzodzwa wake

Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help