Nziyo 53 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rwunoimbwa maimbiro aMaharati, inhetembo yaDhavhidhi.Munhu wakaipa

1Benzi rinoti nechomumwoyo,

“Hakuna Mwari.”

Vane tsika dzakaora

vanoita zvakaipa zvinosemesa;

hapana anoita zvakanaka.

2Mwari ari kudenga

akatarisa pasi kuvanhu

kuti aone kana pana vanoita zvine ungwaru.

Vanotsvaka Mwari,

3vose vakatsauka,

vose vakangofanana, vane tsika dzakaora.

Hapana anoita zvakanaka

kana mumwechete zvake.

4Ko havanzwisisi here,

ivo vaiti vezvakaipa vanodya

vanhu vangu savanodya chingwa

vasingachemi kuna Mwari?

5Ikoko vachabatwa nokutya kukuru,

kutya kusati kwamboitika.

Nokuti Mwari achamwararisa mapfupa ouyo anokukombai.

Iwe uchatonyarawo nazvo,

nokuti Mwari akavarasa.

6Dai ruponeso rweIsiraeri

rwangobva kugomo reZioni,

Mwari ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa;

vokwaJakobho vachapembera kufara;

vokwaIsiraeri vachafara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help