Mupiro 11 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mhuka dzakan'ora nedzisina

1Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti kwavari,

2“Taurirai vaIsiraeri kuti, ‘Idzi ndidzo mhuka dzamungadye zvenyu pamhuka dzose dziri panyika.’

3Mungadye zvenyu mhuka ine tsimba rakanyatsopararana, dzinenge dziri mhuka dzinozeya.

4Asi dzinongozeya chete kana dzinongova netsimba rakapararana chete musadzidye sengamera inozeya asi haina matsimba akapararana.

5Musadye nembirawo kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri,

6netsuro, kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri,

7nenguruve kunyange zvayo iine tsimba rakanyatsopararana haizeye, yakan'ora kwamuri.

8Musadye mhuka idzodzi kana kubata zvitunha zvadzo nokuti dzakan'ora kwamuri.

9“Pana zvose zvomumvura zvine zvimbi namakwande zvingave zvomugungwa kana murwizi mungadye zvenyu.

10Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zvomugungwa nomurwizi zvose zvazvo zvinoita bvakanyira mumvura nezvipenyu zvose zviri mumvura musadye zvose izvozvo, zvakaipa kwazvo kwamuri.

11Kwamuri, zvakaipa kwazvo, musadye nyama yazvo kana kubata zvako zvitunha zvazvo.

12Zvose zvomumvura zvisina zvimbi namakwande zvakaipa kwazvo kwamuri.

13“Pashiri dzose, idzi ndidzo shiri dzakan'ora kwamuri, hadzifanire kudyiwa, dzakaipa kwazvo kwamuri, kunoti: gondo negora nechapungu

14nenjerere nakarukodzi nemhando dzako

15nemhando dzose dzemakunguo,

16jichidza, nemazizi neshiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,

17kouya zizi nekondo, nejambwa

18nenhapata nesvorenyama nehungwe,

19neshuramurove nemhando dzose dzeshirichena nemhupupu nomuremwaremwa.

20Tupukanana twose tunobhururuka, tunogara turi gurusvusvu tuine makumbo mana twakan'ora kwamuri.

21Asi tunhu twose tunobhururuka tuine makumbo mana tune mamwe makumbo eshure okusvetukisa idyai zvenyu.

22Mungadye zvenyu mhando dzose dzehwiza, nemhando dzose dzemhashumapfunde nedzemakurwe nedzezvitaunhau.

23Asi tumwewo tupukanana twose tunenge tuchingova namakumbo mana chete twakan'ora kwamuri.

24“Zvinhu zvinon'oresa munhu ndeizvi: munhu anenge agunzva zvitunha zvazvo achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.

25Ani naani zvake anenge atakura kai zvako kechitunha chazvo ngaasuke hanzu dzake; achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.

26Mhuka yose zvayo inenge iine tsimba rakapararana asi asina kubva anyatsopararana kana kuti isingazeyi yakan'ora kwamuri. Asi ani naani anobata chitunha chayo achava munhu akan'ora.

27Mhuka dzose dzina makumbo mana, dzina matsimba akapfava dzakan'ora kwamuri. Munhu anenge abata zvitunha zvadzo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.

28Ani naani anotakura chitunha chadzo, anofanira kusuka hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Izvozvo zvakan'ora kwamuri.

29“Utwu nditwo tupuka twakan'ora kwamuri pakati petupuka twose tunoita bvakanyira panyika, kunoti nhuta nembeva nomupurwa nemarudzi awo ose nechipotanemadziro,

30gwavava, nedzvinyu, chipfira nerwaivhi.

31Izvozvi zvakan'ora kwamuri pakati pezvose zvinoita bvakanyira. Ani zvake anenge abata zvitunha zvazvo, achava akan'ora kudzamara zuva ridoke.

32Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa.

33Mumudziyo wevhu upi noupi zvawo machinenge chadonhera, zvose zvinenge zvirimo zvaton'ora, putsai mudziyo iwoyo.

34Zvokudya zvinenge zvadirwa mvura yabva mumudziyo iwoyo zvaton'ora chero chokunwa chinenge chirimo chaton'orawo.

35Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chinowirwa nekai zvako kechitunha chazvo chaton'ora, kunyange ikava hari kana choto ngachiputswe-putswe, chan'ora, ngachive chinhu chakan'ora kwamuri.

36Asi chitubu kana tsime rine mvura harin'ore, asi chipi nechipi zvacho chinobatana nechitunha chacho chichava chinhu chakan'ora.

37Kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzokudyara dzipi nedzipi zvadzo dzinodyarwa hadzin'ore.

38Asi kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzakaiswa mvura dzichava dzakan'ora.

39“Kana mhuka inodyiwa ikafa, ani naani anoibata chitunha chayo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke,

40Munhu anodya nyama yayo, ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Munhu anotakura chitunha chayo ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke,

41tupuka twose tunomomana panyika twakaipa kwazvo, ngaturege kudyiwa.

42Zvose zvinozvova napasi, nezvose zvinofamba namakumbo mana kana zvina makumbo akawanda, zvose zvazvo zvinomomana panyika, musadye nokuti zvakaipa kwazvo.

43Musazviipise nezvinhu zvakawanda-wanda izvi zvinomomana. Musazvisvibise nazvo nokuti mungadaro mukazvin'oresa.

44Ndinodaro nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wenyu zvisarudzei kuva vangu, muve vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene. Musazvin'orese nezvipi nezvipi zvazvo zvakawanda-wanda zvinomomana panyika.

45Ndinodaro nokuti ndini Tenzi ndakakuuyisai kuno, kubva kunyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu. Saka ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.

46“Iwoyu ndiwo mutemo wezvemhuka neshiri nezvose zvipenyu zvinofamba mumvura nezvose zvinoita gurusvusvu panyika,

47wokuti mugone kusiyanisa nawo zvakan'ora nezvisina kun'ora nokusiyanisawo zvinhu zvipenyu zvingadyiwe nezvinhu zvipenyu zvisingadyiwi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help