Nziyo 146 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kurumbidza Mwari muponesi wavanhu

1Rumbidza TENZI

rumbidza TENZI iwe mweya wangu.

2Ndicharumbidza TENZI chero ndichiri mupenyu,

ndichaimba ndichirumbidza

Mwari wangu ndichiri mupenyu.

3Usavimbe namachinda,

kuvimba nomunhu asina chaanobatsira.

4Mweya wake paunobuda,

anodzokera kuvhu rake,

pazuva iroro zvirongwa zvake

zvinobva zvaparara.

5Akakomborerwa zvake munhu

anobatsirwa naMwari waJakobho

anovimba naTENZI Mwari wake

6akasika denga napasi

negungwa nazvose zvirimo

anochengeta chitsidzo chake nokusingaperi.

7Anoona kuti vakadzvinyirirwa

vaitirwa zvino ruenzaniso

anopa chokudya vane nzara

TENZI anosunungura vasungwa.

8TENZI anosvinudza meso amapofu

TENZI anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo

TENZI anoda vakarurama.

9TENZI anotarisa vatorwa

anotsigira chirikadzi nenherera

asi nzira yavakaipa anoiparadza.

10TENZI achatonga nokusingaperi,

Mwari wako iwe guta reZioni,

pazvizvarwa nezvizvarwa.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help