Isaya 23 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko renhamo dzaizowira guta reTire kuFinisia

1Herino shoko rakanangana neguta reTire.

Imi ngarava dzokuTarishishi

ridzai mhere

nokuti guta reTire raparadzwa,

harisisina imba kana dumba zvaro!

Shoko irori richasvika kwamuri

richibva kunyika yeSaipurasi.

2Batai mwoyo

imi vagari vokumahombekombe kwegungwa,

imi vokuSidhoni vemhindu dzokutengesa zvinhu.

Nhume dzenyu dzakapfumiswa navanhu

vanofamba nengarava,

3dzichange dzava pamvura yakawanda,

chenyu chamuchawana

imbesa dzokuShihori,

goho rokuna Nairi.

Ndimi mava vemhindu dzokutengesa

pamarudzi ose avanhu.

4Nyarawo kani iwe Sidhoni

nokuti hwenje hwegungwa hwati

handina kumborwadzwa

kana kumbosununguka munhu.

Handina majaya andakarera

kana mhandara dzandakayarutsa ini.

5Kusvika kuchaita shoko iroro kuIjipiti

vachashushikana mwoyo nezvichange zvawira Tire.

6Chitoyambukirai zvenyu kuTarishishi

muchiridza mhere

imi vagari vokumahombekombe kwegungwa.

7Ndiro guta renyu here ramafaro

guta rapasi chigare rakatandira kune

dzimwe nyika pamusana pevana varo

vakaita chitsva chiri murutsoka?

8Ndiani akarongera Tire zvakadai,

guta roumambo,

raiva nevemhindu dzokutengesa zvinhu,

vakanga vari machinda

rine nevekutengesa zvinhu

vairemekedzwa panyika.

9Tenzi wehondo nehondo ndiye azvironga

kuti aparadze kuzvikudza kweveimba youmambo

kunyadzisa vose vanoremekedzwa panyika.

10Tekeshera zvako nenyika yako sokufashukira kweNairi

iwe mukunda, guta reTarishishi

hapasisina achakudzivisa.

11Atambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa,

akadederesa madzimambo

Tenzi atemera Kanani chirevo

chokuti nhare dzaro dzokuzvidzivira muhondo dziparadzwe.

12“Ati kwauri iwe

zvamafaro zvakuperera

iwe mhandara yaoneswa ndondo,

mukunda, guta reSidhoni,

simuka,

uyambukire kuSaipurasi

kunyange ikoko zororo hauna.”

13Chitarisai muone nyika iya

haisiri Asiria

havasiri vaAsiria

asi kuti vanhu ava vechiKaridhea

ndivo vakakanzera Tire kuti

rive guta remhuka dzesango

vakavaka nharire dzokurikomba nadzo

vakaparadza mizinda yaro

vakariita kuti rive dongo.

14Ridzai mhere, imi ngarava dzeTarishishi

nokuti nhare yenyu yokuzvidzivirira muhondo yaparadzwa.

15Panguva iyoyo guta reTire richazokanganwika

kwamakumi manomwe amakore,

zvakangoenzana namakore amambo mumwechete

panopera makore makumi manomwe iwaya

zvichazoitika kuguta reTire sezvinotaurwa

norwiyo rwepfambi runoti,

16“Pakata dimbwa

utenderere neguta

iwe pfambi yakakanganwika

Ita mutinhimira wakanaka

uchiimba nziyo dzakawanda

kuti uzoyeukwawo.”

17Panopera makumi manomwe amakore Tenzi achashanyira guta reTire, iro richazodzokera kubasa raro rokuzvitengesa richiita upfambi nedzinyika dzose dzapanyika pano pose.

18Zvamabhindauko aro nezvebasa raro rokuzvitengesa zvichava zvinotopirwa kuna Tenzi, hazvizochengetwa kana kuvigwa asi kuti mabhindauko aro achatozowanisa vanogara pana Tenzi zvokudya nezvokupfeka zvakawanda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help