1Soromoni akaita ukama naFarao mambo weIjipiti hwokuroorerana, akaroora mukunda waFarao. Akamboenda naye muGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka imba yake nembawo yaTenzi nokukomberedza Jerusaremu norusvingo.
2Izvozvo vanhu vainge vachipirira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nokuti hakuna imba yakanga yati yavakwa yokuisa zita raTenzi.
3Soromoni aida Tenzi achitevedza mirao yababa wake Dhavhidhi, kutongoti chete aipira zvibayiro nokupisira rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira.
4Mambo uyu akaenda kuGibheoni kundopira chibayiro ikoko nokuti ndiyo yakanga iri nzvimbo huru yakatunhumara yokuteurira. Soromoni aiwanzopira mipiro yokupisa chiuru paatari.
5Kwakareko kuGibheoni Tenzi akazviratidza kuna Soromoni mukurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.”
6Soromoni akati,
“Makaitira baba wangu
Dhavhidhi muranda wenyu
mwoyochena mukuru kwazvo pamusana
pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri
akarurama ari pachokwadi
mwoyo wake uri kwamuri.
Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo
makaramba uinaye mukamupawo
mwanakomana wokugara pachigaro
choumambo nhasi uno.
7Zvino Tenzi Mwari wangu,
imi ndimi makaita kuti
ini muranda wenyu ndive mambo
panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi,
asi ini ndiri mwana
muduku handigoni kutungamira.
8Ini muranda wenyu ndiri pakati
pavanhu venyu vamakasarudza
rudzi rukuru kwazvo runa vanhu
vasingaverengeki kana kuverengetwa.
9Dai mukachindipawo ini muranda
wenyu mwoyo unonzwisisa kuti
ndiwane matongero vanhu venyu
ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa
nokuti ndiani angakwanise kutonga
vanhu venyu ava vakawanda kudai?”
10Tenzi akafadzwa nezvakanga zvakumbirwa naSoromoni.
11Mwari akati kwaari,
“Pamusana pokuti wakumbira izvi
ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu
kana upfumi kana kukumbira
kuti vavengi vako vafe,
ukazvikumbirira kunzwisisa
kuti uwane matongero,
12chinzwa zvawakumbira ndozvandava
kukuitira. Ndinokupa ungwaru
nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana
kumboita mumwe akaita sewe kana
kuzovazve nomumwe akaita sewe.
13Uye ndinokupawo zvimwe zvausina
kukumbira zviviri izvi zvinoti
upfumi nechiremera zvokuti hapana
mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe
upenyu hwako hwose.
14Kana ukafamba mumakwara angu
ukachengeta mirao nemitemo yangu
sezvaiita baba wako Dhavhidhi
ndichakupa upenyu urefu.”
15Soromoni ndiye kwake pepu, ndokuti, “A-a inga kurota zvako.” Akaenda kuJerusareu akandomira pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Akazoitirawo makurokota ake ose mabiko.
Kutonga kwakaita Soromoni imwe mhosva16Pfambi mbiri dzakauya kuna mambo dzikamira paari.
17Imwe yadzo yakati, “Changamire ini nomukadzi uyu tigere tose mumba imwechete. Ndakasununguka mwana iye aineni mumba imomo.
18Mazuva matatu akati apera ini ndasununguka, mukadzi uyu akasunungukawo. Takanga tiri toga pauviri hwedu mumba imomo musina mumwe.
19Mukadzi uyu mwana wake mukomana akafa usiku nokuti iye akamutsitsirira.
20Iye akamuka pakati pousiku ndokutora mwana wangu mukomana parutivi pangu, ini muranda wenyu ndiri kutsi kwehope akamurarisa mumaoko ake. Akararisa mwana wake mukomana akafa parutivi pangu.
21Ndakati mukei mangwanani kuti ndichiyamwisa mwana wangu wanei akafa. Asi ndakazonyatsomutarisa kwaedza ndikaona kuti haasiri iye mwana wangu wandakabereka.”
22Asi mumwewo wacho akabva ati, “Aiwa, mupenyu uyu ndiye mwana wangu, wako ndiye wafa.” Mumwe ndokuti, “Kwete kani wako ndiye wafa, wangu mupenyu.” Ndokukakavadzana kwavaiita pana mambo.
23Mambo akati, “Uyu ari kuti, ‘Mwana wangu mupenyu wako ndiye wafa,’ uyuwo achiti, ‘Aiwa wako ndiye wafa wangu mupenyu.’ ”
24Mambo ndokuti, “Nditorerei bakatwa!” Saka vakauya nebakatwa kwaari.
25Mambo akati, “Chekai mwana iyeyo nepakati muvape, muti uyu chidimu uyu chidimu.”
26Pamusana pokunzwa mwoyo kurwadza amai vomwana mupenyu uyu vakati kuna mambo, “Changamire chimupai zvenyu mwana mupenyu iyeyu musambomuuraya zvenyu.” Asi mumwe wacho akati, “Ngaarege kuva wako kana wangu ngaatodimurwa.”
27Mambo akati, “Mwana mupenyu uyu ngaapiwe mukadzi uyu, musamuuraye, ndivo amai vake ivava.”
28Isiraeri yose yakanzwa mutongero wainge waitwa namambo zvikaita kuti vatye mambo, nokuti vakanga vaona kuti aiva noungwaru hwaMwari pakutonga.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.