Jeremiya 49 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvakatemerwa vokwaAmoni naTenzi

1Zvanzi naTenzi nezvevekwaAmoni,

“KwaIsiraeri hakuna vanakomana here?

Hakunawo here mudyi wenhaka?

Ko Mirikomu adarirei

kutorera vokwaGadhi nyika,

vanhu vake vachitondogara mumaguta avo?

2“Naizvozvo chinzwai,

zvanzi naTenzi,

mazuva achasvika andichaitisa kuti

ngondo inzwike yokurwisa

guta reRabha yevokwaAmoni.

Richava chimudhuri chedongo,

misha yaro icharoromeswa nomoto.

Isiraeri ndopaichapamba

vaya vakamboipambawo.

Ndizvo zvinotaura Tenzi.

3“Iwe guta reHeshibhoni

hwihwidza kuchema

nokuti guta reAi raparara!

Ridzai mhere imi vanasikana veRabha!

Sungai masaga muchiuno,

ungudzai muchimhanya uko nokoko,

mukati moruzhowa noruzhowa!

Chatovapo ndechichi chokuti

iye Mirikomu mwari wenyu

achaendwa naye kuutapwa

pamwechete navapristi vake namachinda ake.

4“Chaunozvitutumadzira namapani ako chii,

iwe mwanasikana asina kutendeka,

iwe unovimba noupfumi hwako uchizviti,

‘Ndiani chaizvo angauye kuzondirwisa?’

5Chinzwa, zvanzi naTenzi

Tenzi wehondo nehondo

ndiri kukuunzira kutya

kuchibva kumativi munharaunda mako.

Muchatandaniswa muchiburitswa kunze

munhu wose achitiza nepaakananga napo ipapo

pasina anokokorodza vanenge vatiza.

6“Asi gare gare ndichazodzosera zvangu

makomborero evokwaAmoni ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Zvakatemerwa vokwaEdhomu naTenzi

7Kune veEdhomu zvanzi naTenzi wehondo nehondo:

“Ko munyika yeTemani

ungwaru hamusisina here?

Vangwaru vapererwa namazano here?

Uchenjeri hwavo hwavatiza here?

8“Pishinukai mutizire kundohwanda

munzvimbo dzakadzika-dzika,

imi vagari vokuDhedhani

nokuti ndichaunza nyatwa yokwaEsau pavari

panguva yandichavaranga.

9“Kuri kuti mavingwa navatanhi vamagirepisi,

havangakusiyirei kana mamwe okufuhwa here?

Kuri kuti mbavha dzauya nousiku,

handiti dzinongopaza pokuzvibatsira idzo chete here?

10Asi vokwaEsau ndakavasiya vasisina chavanacho.

Pavanohwanda ndakapaisa pachena,

kuzvivanza haachagoni.

Vana vake vakaparadzwa

pamwechete navakoma-navanun'una vake,

vavakidzani naye vakapararawo, naiyewo hapasisina.

11Siyai zvenyu nherera dzenyu,

ndichadzichengeta dziri mhenyu

uyewo chirikadzi dzenyu ngadzivimbe neni.

12“Nokuti zvanzi naTenzi: ‘Kana vanhu vakanga vasingakodzeri kunwa mukombe iwoyo vakaunwa, ko iwe ndiwe ungazogare here usina kurangwa? Haumborega kurangwa, unotounwa chete.’

13Nokuti ndakapika neni pachangu, ndizvo zvinotaurwa naTenzi, kuti Bhozira ichava chinhu chinokatyamadza. Ichava chiseko nerenje zvaro nechinhu chine rushambwa uye maguta aro ose achava matongo okugara nokugara.”

14Ndakanzwa dama rakabva kuna Tenzi nenhume yakatumwa

mukati memarudzi avanhu ichiti,

“Kokorodzanai pamwechete murwise Edhomu

musimuke murwe hondo

15nokuti, chionai, ndava kukudukupisai

pakati pamarudzi ose kukuitai

vanhu vakashoreka mukati mavamwe.

16Kutyisidzira okuzvikudza kwenyu zvakakufurirai,

imi munogara mumikaha yamatombo

iyemi munotonga misoro muri pameso pamakomo.

Kunyange zvazvo mukaisa

matendere enyu padengadenga segondo,

ini ndichakutozomorai ipapo.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

17“Edhomu ichava chinhu chinokatyamadza. Munhu ose anodimura nemo achakanhamara achiridza muridzo pamusana petsaona dzaro,

18sezvakaita Sodhomu neGomora pamwechete namaguta akanga akavakidzana nawo paakaparadzwa. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Hapana munhu achaita musha imomo kana munhu wokugara kwekanguva chete imomo.

19Regai muone, ndichaita seshumba yabva mujokochwa romuna Jorodhani ichauya kumafuro, vachaerekana ndava kuvaitisa chimwandamwanda kubva muEdhomu. Ndichaisarudzira chero wandinenge ndada kuti aitonge. Ndinodaro nokuti ndiani akaita seni? Ndiani chaizvo angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?

20Naizvozvo chinzwai chirongwa charongerwa Edhomu naTenzi nezvaari kuda kuita kuvagari vokwaTemani ivavo chokuti: Kunyange notwana twedanga irori tuchandundurutswa, danga ravo rigonyatsodumbirwa chaizvo nomugumo wavo.

21Kurira kwokuputsika kwavo kuchadederesa nyika, mhere yokuchema kwavo ichinzwika kuGungwa Dzvuku.

22Chinzwai mumwe achakwira mudenga ari mhepo zvayo kubhururuka segondo agovinga guta reBhozira akatambanudza mapapiro. Izvozvo mwoyo wavarwi vokuEdhomu musi iwoyo uchaita somwoyo womukadzi ari mumarwadzo pakusununguka.

Zvakatongerwa vokuDhamasikusi naTenzi

23“Izvi ndizvo zvakataurwa nezveDhamasikusi

zvokuti, Hamati neAripadhi vatenderera musoro

nokuti varikunzwa mashoko akaipa, vaparara nokutya.

Vabvongodzeka segungwa risinganyarari.

24Dhamasikusi yaondoroka yapishinuka ikatiza.

Yabatwa nokutya, yarwadziwa mwoyo

yasuruvara somukadzi ene mimba yarwadza.

25Zvauya sei kuti guta risuwe,

guta rangu, guta rorufaro.

26“Naizvozvo majaya aro achati

rakata munhandare dzaro,

masoja aro ose

achaparadzwa zuva iroro.

Ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo.

27“Ndichavesa moto murusvingo rweDhamasikusi

ucharoromesa nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yokwaBhenihadhadhi.”

Zvakatemerwa vedzinza rokwaKedhari uye guta reHazori

28Zvakatongerwa Kedhari nenyika dzeHazori dzakakundwa naNebhukadhireza mambo weBhabhironi.

Zvanzi naTenzi,

“Simukai murwise Kedhari!

Paradzai vanhu vokumabvazuva!

29Matendhe avo nezvipfuwo zvavo

zvinofanira kuti zvitorwe

namachira avo okudzikatirisa nezvinhu zvavo zvose,

nengamera dzavo vanofanira kuti vazvitore

zviendwe nazvo.

Varume vachadaidzira kwavari vachiti,

‘Hokoyoi kumativi kwose kwaipa.’

30Tizai, dzengererai muri kure,

garai makadzika, imi vagari veHazori.

Ndizvo zvinotaura Tenzi.

Nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi

akurongerai zano rakaipa,

ane chinangwa chakaipa.

31“Zvanzi naTenzi,

Simukai munorwisa rudzi

ruri pamutambaratede,

rugere zvarwo pasina chinorunetsa

rusina misuo mukuru kana zvihuri

runogara ruri rwoga.

32Ngamera dzavo dzinofanira kutorwa,

matanga avo emombe apambwa.

Vose vanogera vhudzi

kuitwa makona mumusoro

ndichavati mwarara kumativi kwose.

Ndichaita kuti nyatwa

dzivakombe kumativi ose,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

33Guta reHazori richava

dambiro zvaro ramakava

richazogara riri dongo nokusingaperi.

Hapana munhu achagaramo

kana wokumbogarawo zvake

kwekanguva chete imomo.”

Zvakatemerwa nyika yeEramu naTenzi

34Izwi raTenzi rakauya kumuporofita Jeremiya richitaura nezveEramu pakutanga kwokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha rikati,

35Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Regai muone zvenyu ndichatyora uta hweEramu, musimboti wesimba ravo.

36Ndichaita kuti Eramu ivingwe nemhepo dzokumativi mana edenga ndigovati mwarara kumhepo ina dzose idzodzo. Hakuna rudzi rwavanhu kusingazoendwi nevanenge vadzingwa muEramu.

37Ndichapinza muEramu mweya woumbwende, wokutya vavengi vavo, navanhu vanotsvaka zvokupfuudza upenyu hwavo. Ndichavapinza nhamo ndigouya nehasha dzinotyisa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichavatumidzira bakatwa rivaronde kudzamara ndavapedza kuti nho.

38Izvozvo ndichaisa chigaro changu choumambo muEramu ndigoparadza mambo wavo namachinda avo, ndizvo zvinotaura Tenzi.

39Asi mumazuva okupedzesera ndichadzosera Eramu makomborero ayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help