2 Vakorinde 6 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Tinokukumbirisai tichishanda pamwechete naMwari kuti murege kungogamuchira nyasha dzaMwari pasina

2nokuti anoti,

“Nenguva yakafanira ndakakunzwa,

nezuva reruponeso ndakakubatsira,

chinzwa, ino ndiyo nguva yacho

yakafanira, irori ndiro zuva roruponeso.”

3Hatiisi chinopingidza munzira yaani nani zvake, kuti muushandiri hwedu musave nechakaipa,

4asi isu savaranda vaMwari tinoratidza izvi nenzira dzose nokutirira kwakaomarara nomukutambudzika mune zvinonetsa nomupfumvu

5mukurohwa nokuiswa mujeri nomunyonganyonga nomumabasa anorema nokuvata takasvinura nomunzara

6uye tinoratidza izvi noutsvene noruzivo nokutirira nomutsa naMweya Mutsvene norudo rwechokwadi

7nokutaura zviri pachokwadi nesimba raMwari nezvombo zvoururami kurudyi nokuruboshe,

8mukuremekedzwa nomukusaremekedzwa, mukushorwa nomukukudzwa. Tinotorwa savanhu vanonyepera kuva zvavasiri asi tiri pachokwadi,

9tichiitwa setisingazivikanwi asi tichinyatsozivikanwa. Tinoitwa setiri kufa asi tarisai muone tiri vapenyu. Tinoitwa setiri kurangwa asi hatisati tafa.

10Tinonzi tinosuruvara asi isu tichifara nguva dzose. Tinonzi tiri varombo asi tichipfumisa vazhinji. Tinonzi hatina chinhu asi tiine zvose.

11Vakorinde imi, takutaurirai zviri pachena uye nomwoyo wose.

12Hatisisu tinoita kuti musungikane mwoyo asi imi ndimi muri kuita kuti musungikane zvenyu.

13Sekandiro kanoenda kunobva kamwe, ndinotaura somunhu ari kutaura kuvana, sunungukaiwo mwoyo.

14Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima?

15Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi.

16Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti,

“Ndichagara mavari

ndichifamba pakati pavo

uye ndichava Mwari wavo

ivowo vachava vanhu vangu.”

17Saka ibvai mukati mavo

mupararane navo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Musawane chakan'ora chamunobata.

Pakadaro, ini ndichakugamuchirai.

18Ini ndichava Baba kwamuri,

imi muchiva vanakomana vangu navanasikana vangu.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Samasimbaose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help