3 Johani Zviri mutsamba yechitatu yaJohani - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mutsamba yechitatu yaJohani Tsamba yechitatu yaJohani yakanyorwa nomukuru mukuru wesangano achinyorera Gayusi, munhu akanga akatendeka paunamati hwake. Anorumbidza kwazvo kutendeka kwake achimukurudzira kugara upenyu hworudo. Asi anonyora achimuyambirawo nezvaDhiotirefesi. Dhiotirefesi aiva munhu aizvikudza akanga asina rudo navadzidzi vechikristu vaishanyira sangano rokwaigara Gayusi uye akanga asingagamuchiri ukuru hwomunyori wetsamba iyi.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechitatu yaJohaniKusuma (1:1–4)Kurumbidzwa kwaGayusi (1:5–8)Kuzvikudza kwaDhiotirefesi (1:9–11)Hunhu hwaDhemetiriusi (1:12)Mazwi okuonekana (1:13–15)