Jona 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuramba kuteerera Mwari kwaJona

1Shoko raTENZI rakauya kuna Jona mwanakomana waAmitai richiti,

2“Simuka uende kuNinivhe, guta guru riya undoriyambira nokuti uipi hwavo hwasvika kudenga pamberi pangu.”

3Asi Jona akasumuka kuti atizire kuTashishi achida kubva pana TENZI. Akadzika kuJopa, akawanako ngarava yaienda kuTarishishi iye akabva abvisa mari yerwendo ndokupinda mukati mayo kuti aendewo navo kuTarishishi achibva pana TENZI.

4Asi TENZI akatututsa mhepo huru mugungwa pakaita dutu remhepo guru zvokuti ngarava yakanga yoda kupazika.

5Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope.

6Zvino mukuru mukuru wengarava iyoyo akasvika akamuti, “Zvinoreveiko, nhaiwe, mupfodori wehope? Muka unamatewo kuna mwari wako! Zvimwe mwari angatifungewo kuti tirege kuparara.”

7Vakataurirana kuti, “Ngatiitei chin'ange tizive kuti ndiani atiparira nhamo yatiwira iyi.” Saizvozvo vakaita chin'ange, chikabata Jona.

8Ndokubva vamuti, “Iwe tiudze kuti ndiani akonzera kuti tipinde nhamo iyi. Basa rako nderei? Unobvepi? Uri wenyika ipi? Uri worudzi rwupi?”

9Iye akavapindura kuti, “Ndiri muHebheru, uye ndinotya TENZI, Mwari Wedenga, akasika gungwa nenyika yakaoma.”

10Varume ivavo vakatya zvikuru kwazvo vakati kwaari, “Ndochii ichochi chawaita,” nokuti varume ivavo vakanga vazviziva kuti akanga achitiza pana TENZI nokuti ndizvo zvaakanga avataurira.

11Ivo ndokuti kwaari, “Zvino toitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Nokuti gungwa rakanga zvino rotonyanya kuramba richinyanduka zvikuru nedutu remhepo.

12Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.”

13Asi varume ivava vakambovavarira zvavo kukwasva zvakasimba, kuti vadzosere ngarava panyika pakaoma, vakakundika nokuti gungwa rakabva ratonyanyisisa kunyanduka nedutu remhepo.

14Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.”

15Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, gungwa rikarega kupenga kwaro.

16Varume ava vakabva vatya TENZI zvikuru kwazvo vakapira chibayiro kuna TENZI vakaita zvitsidzo.

17TENZI akasarudza zihove guru rokumedza Jona. Jona akagara mudumbu rehove iyoyo siku nesikati kwamazuva matatu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help