1 Samueri 29 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mambo Akishi anodzosera Dhavhidhi kuZikiragi

1VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose kuAfeki. VaIsiraeri vakadzikawo matendhe pedyo nechisipiti chokuJezireeri.

2Madzishe evaFirisitia akati achifamba aine zvikwata zvavarwi zvezviuru zvakasiyana-siyana, vachipfuura vari zana zana, Dhavhidhi navarwi vakewo vari necheshure vaina Akishi,

3vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.”

4Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava?

5Handiti ndiye Dhavhidhi here uyu wavaiimba vachidavirana vachitamba vachiti,

“Sauro wakauraya zviuru

Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?”

6Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe.

7Zvino wochidzokera zvako zvakanaka kuti urege kugumbura madzishe aya avaFirisitia.”

8Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?”

9Akishi akapindura Dhavhidhi achiti, “Ini ndinozviziva zvangu kuti kwandiri ini wakanaka mwoyo somutumwa waMwari. Asi vatungamiriri vavaFirisitia vati, ‘Haaende nesu kundorwa.’

10Saka wofumomuka pamwechete navaranda vatenzi vako vakauya newe moenda mangwanani mambakwedza.”

11Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help