Zvakaratidzwa 6 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Namo inokwatanurwa neHwayana

1Ndipo pandakaona Hwayana

ichikwatanura namo yokutanga,

imwe yenamo nomwe dziya.

Ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina zviya chichitaura

nezwi rinenge mabhanan'ana richiti, “Uya.”

2Ndakatarisa, onei bhiza jena,

mutasvi waro aine uta.

Akagadzwa chiremba choumambo.

Akabuda ari mukundi ari kundokunda.

3Paakakwatanura namo yechipiri

ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti,

“Uya.”

4Pakabva pabuda rimwe bhiza

rakati piriviri kutsvuka.

Mutasvi waro akabvumirwa kubvisa rugare panyika.

Akapiwa bakatwa guru

kuti vanhu vaurayane.

5Paakakwatanura namo yechitatu,

ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya.”

Ndakatarisa onei bhiza dema

mutasvi waro aine chikero muchanza.

6Ndakazonzwa chimwe chainge izwi

pakati pezvisikwa zvipenyu zviya chichiti,

“Rita yekoroni ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva

marita matatu ebhari ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva

asi mafuta newaini usazvibate–bate.”

7Paakakwatanura namo yechina

ndakanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti,

“Uya.”

8Ndakatarisa, onei bhiza rakabhuruvara,

zita romutasvi waro rainzi Rufu

Nzvimboyorufu ichimutevera mushure.

Chikamu chenyika chechina chakaiswa mumaoko avo

kuti vauraye vanhu nehondo yebakatwa

nenzara nedenda nezvikara zvapasi.

9Paakakwatanura namo yechishanu,

ndakaona pasi peatari

mweya yavanhu vakaurairwa shoko raMwari

nouchapupu hwavakaita.

10Vakadaidzira nezwi guru vachiti,

“samasimba changamire mutsvene wechokwadi,

kuchazova riniko

musati matonga nokutsividza ropa redu

kuna vavo vanogara panyika?”

11Mumwe nomumwe wavo

akapiwa gemenzi jena,

vachiudzwa kuti vambozorora kashoma

kusvikira uwandu hwavashandi pamwe navo

nehama dzavo vaifanira kuuraiwa saivo hwakwana.

12Hwayana iya payakakwatanura namo yechitanhatu

ndakaona kundengendeka kukuru.

Zuva rakasvipa sesaga,

mwedzi wejenaguru wakatsvuka ropa.

13Nyenyedzi dzedenga

dzakakuhumukira pasi pano

sokudonhedza kunoita muonde

muchero wawo wapachando

kana wavhuvhutwa nedutu remhepo.

14Denga rakanyangarika

sebhuku rokumunonora ramoneredzwa.

Makomo ose nezvitsuwa

zvakabviswa panzvimbo dzazvo.

15Ipapo madzimambo apanyika

navakuru vakuru vavanhu

navakuru vakuru vehondo navapfumi navakasimba

navavo vose vanoti nhapwa navasununguki

vakavanda mumapako napasi pamabwe mumakomo.

16Vaidaidzira kumakomo namabwe vachiti

“Tiwirei mutivandise tirege kuonekwa

nouyo agere pachigaro choumambo

mutihwandise kuhasha dzeHwayana.

17Nokuti zuva guru rehasha dzavo rauya,

pakadaro ndiani angapamire.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help