Zekariya 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chiratidzo chomupristi mukuru chakaonekwa naZekariya

1Akazondiratidzawo Joshuwa mupristi mukuru amire mberi kwomutumwa waTENZI uye Satani amirewo kurudyi kwake kuti amupe mhosva.

2TENZI akati kuna Satani, “TENZI ngaakurange iwe Satani! TENZI nyakuzvisarudzira Jerusaremu ngaakurange! Handiti iyeyu chitsiga chakatoburwa mumoto here?”

3Izvozvo Joshuwa akanga akapfeka mbatya dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.

4Mutumwa uya akataura kuna vaiva vakamira pamberi pake achiti, “Mupfekenurei hanzu dzine tsvina idzi.” Akatiwo kuna Joshuwa, “Tarira uone, ndakubvisa uipi hwako uye ndava kukushongedza hanzu yemandiriri.”

5Ini ndikati, “Ngavadzike Joshuwa ngundu yakachena mumusoro.” Saizvozvowo vakamudzika ngundu yakachena mumusoro vakamushongedza hanzu dzacho. Izvozvo mutumwa waTENZI aiva amire pedyo navo.

6Mutumwa waTENZI akakomekedza Joshuwa kuti:

7“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano.

8Chinzwa, zvino iwe mupristi mukuru Joshuwa, iyewe neshamwari dzako dzaugere nadzo sezvo vari chiratidzo cheramangwana rakanaka. Chinzwai, ndichaunza muranda wangu iye Bazi

9nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo.

10Pamusi iwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, mumwe nomumwe wenyu achakoka waakagarisana naye kuzotandara pasi pomugirepisi wake napasi pomukuyu wake.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help