Nziyo 48 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo. Rwiyo rwevekwaKora.Zioni guta raMwari

1TENZI mukuru anofanira kurumbidzwa zvikuru

muguta raMwari wedu,

mugomo rake rinoera.

2Kuti dzu-u kwaro kunoyevedza,

rinopa rufaro pasi pose.

Iro gomo reZioni riri kuchamhembe

iguta ramambo mukuru.

3Mukati nhare dzaro dzokuzvidzivirira muhondo,

Mwari akaratidza kuti ndiye mudziviriri wechokwadi

4nokuti tarisai muone

madzimambo akakokorodzana,

vakauya kuzoita chirwirangwe.

5Pavakazviona izvi, vakadumbirwa kwazvo

zvakavatyisa ndokubva vati ware kutiza.

6Vakadedera ipapo

vakarwadziwa somudzimai ari pahata.

7Makaparadza ngarava dzokuTarishishi

nedutu rokumabvazuva.

8Zvatakanzwa ndizvo zvatakaonawo

muguta raTENZI wehondo nehondo,

muguta raMwari wedu

Mwari acharisimbisa nokusingaperi.

Dzepfunde

9Mukati meTemberi yenyu, Mwari,

tinorangarira nezvomwoyochena wenyu.

10Sezvakangoita zita renyu Mwari,

ndizvozvo zvakaita mbiri yenyu

inosvika kwakaperera nyika.

Ruoko rwenyu rworudyi

rwuzere nokururama ngarifare.

11Guta rapagomo reZioni ngarifare.

Tumaguta twokwaJudha ngatufare

pamusana pokutonga kwenyu.

12Famba fambai neguta reZioni,

tendererai naro

muverenge nharire dzaro.

13Nyatsoongororai tsvingo dzaro

munyatsotarisa nharo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo

muhondo kuti mozoudza chizvarwa chinotevera

14nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu narini narini;

ndiye achatitungamirira narini narini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help