Jona 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Munamato waJona

1Jona akabva anamata

kuna TENZI, Mwari wake

ari mudumbu rehove macho

2achiti,

“Ndakachema kuna TENZI

ndiri munhamo yangu,

iye akandipindura.

Ndakachema ini ndiri mudumbu

renzvimbo yavachakabvu,

imi makanzwa izwi rangu

3nokuti makandikanda muhwenje,

muhwenje hwegungwa zvahwo

pakati-kati chaipo pamakungwa

ndakanga ndakakomberedzwa namafashafasha emvura

mafungu namasaisai enyu

aipfuura zvawo napamusoro pangu.

4“Ipapo ndakazviti

ndazoraswa zvangu kure nemi

ndichatarisazve sei

temberi yenyu inoera.

5Mvura yakanditi fuse fuse

hwenje hwakandikomberedza

zvinomera mugungwa zvakanga

zvakanditi mumusoro monemone.

6Pamidzi yemakomo

ndakanga ndichidzika

kunyika ine zvihuri

zvaindipfigiramo narini narini

asi imi TENZI, Mwari wangu

makandiponesa upenyu

mukandiburitsa mugomba iroro.

7Mweya wangu pawakapera simba

mukati mangu,

ndakarangarira TENZI;

munamato wangu wakasvika kwamuri

muTemberi yenyu inoera.

8“Vanhu vanoremekedza zvifananidzo

zvisina maturo

vanokanda pasi kutendeseka kwavo

kwapachokwadi.

9“Asi ini nezwi rokutenda

ndichapira chibayiro kwamuri.

Ndichaita zvandakapika.

Kununura ndokwaTENZI.”

10TENZI akataura kuhove iya ikarutsira Jona panyika pakaoma.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help