1 Nhoroondo 23 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Dhavhidhi paakanga zvino akwegura mazuva ake aendadzanawo kwazvo, akagadza mwanakomana wake Soromoni umambo hweIsiraeri.

Basa ravaRevhi

2Dhavhidhi akaunganidza vatungamiriri vose veIsiraeri navapristi nevaRevhi.

3Kwakaverengwa vokwaRevhi, kubvira pane vane makumi matatu amakore zvichikwira pakaita makumi matatu ezviuru zvavarume ane zviuru zvisere.

4Dhavhidhi akati, “Makumi maviri ezviuru ane zviuru zvina zvaivava ava ngavave vokuona nezvebasa repamba yaTenzi, zviuru zvitanhatu vova vakuru vakuru navatongi,

5zviuruwo zvina vave vachengetedzi vokumisuo mikuru, vamwe zviuru zvinawo vari vokurumbidza Tenzi nezvokuridzisa mumhanzi zvandakagadzirira kurumbidza.”

6Dhavhidhi akavaronga mumapoka zvichifambirana navanakomana vokwaRevhi achiti vokwaGerishomu nevokwaKohati nevokwaMerari.

7Vanakomana vokwaGerishomu paiti Radhani naShimei.

8Vanakomana vaRadhani ndiJehieri

mukuru wacho, naZetamu naJoeri, vatatu.

9Vana vaShimei vakomana ndiSheromoti

naHazieri naHarani pautatu hwavo kudaro.

Ivava ndivo vaiva vatungamiriri

vedzimhuri dzokwaRadhani.

10Vanakomana vaShimei

ndiJahati naZina naJeushi naBheriya.

Ivava vari vana kudai

ndovanakomana vaShimei.

11Johati ndiye mukuru wacho,

wechipiri ari Ziza. Asi Jeushi

naBheriya vaiva vasina vana

vakomana vazhinji nokudaro vakazongozikanwa

savanhu vemhuri imwechete.

12Vanakomana vaKohati ndiAmuramu

naIzhari naHebhuroni naUzieri

vari vana kudaro.

13Vanakomana vaAmuramu

ndiAroni naMosesi. Aroni akatsaurwa kuti

ave ndiye wokuteketera kuna

Mwari zvinhu zvinoera kwazvo kuti iye

navanakomana vokwake vave

vokupisa rusenzi pana Tenzi narini wose

uye kumushandira nokukomborera

vanhu muzita rake nokusingaperi.

14Asi vanakomana vaMosesi

munhu waMwari mazita avo aitaurwa

mukati mevedzinza rokwaRevhi.

15Vana vaMosesi vakomana

ndiGerishomu naEriezeru.

16Vanakomana vaGerishomu

ndiShebhueri mukuru wacho.

17Vanawo vakomana vaEriezeru

ndiRehabhiya mukuru wacho. Eriezeru

uyu aiva asina vamwe vana vakomana,

asi Rehabhiya aiva nezanzwe

ravanakomana kuwanda.

18Vanakomana vaIzhari

ndiSheromiti mukuru wacho.

19Vanakomanawo vaHebhuroni

ndiJeriya mukuru wacho wechipiri

ndiAmariya, wechitatu ari Jahazieri,

Jekameamu ariye wechina wacho.

20Vanakomana vaUzieri ndiMika

mukuru wacho wechipiri ari Ishiya.

21Vana vaMerari vakomana ndiMahiri naMushi.

Vanakomana vaMahiri

ndiEreazari naKishi.

22Ereazari akafa asina vana

vakomana aingova navana vasikana chete.

Hama dzavo, vanakomana

vaKishi ndivo vakavaroora.

23Vanakomana vaMushi ndiMahiri

naEdheru naJerimoti pautatu hwavo kudaro.

24Ivava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba vari vatungamiriri mudzimhuri dzokwavo. Ndouwandi hwavo sokunyorwa kwavo mazita munhu nomunhu vachiverengwa kubvira vane makumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura ipapa vokuzoita basa romumba yaTenzi

25nokuti Dhavhidhi akareva paakati, “Tenzi, Mwari weIsiraeri aita kuti vanhu vake vave norunyararo uyewo iye aita Jerusaremu musha wake narini wose.

26Chimwezve ndechokuti kuvaRevhi, basa rokutakura tendhe rinoera kana mumwe mudziyo zvawo wokushandisamo hapachisina.”

27Pamusana pemazwi aya aDhavhidhi okupedzesera, vaRevhi vakaverengwa vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira.

28Saka basa ravo rakanga rava kuzova rokubatsira vanakomana vokwaAroni kushanda pamba yaTenzi nokuchengetedza zvivanze zvacho, nedzimba dzepo nokuchenura zvose zvinoera nokuita basa rose rose zvaro repamba yaMwari;

29nokubatsirawo pachingwa chokuisa pana Tenzi uye upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwomupiro wembesenwa nechingwa chakati fatata chisina mbiriso nomupiro wokubika nomupiro waikanyiwa namafuta eorivhi uyewo kupima uwandi nokuera mwero yemhando nemhando dzose dzezvinhu.

30Ndivo zvino vakanga vava vokumira mangwanani oga oga vachitenda Tenzi vachimurumbidza, manheru voitawo zvimwechetezvo;

31napose paipirwa kuna Tenzi mipiro yokupisa pamisi yeSabata neyokugara kwemwedzi namamwe mazuva makuru zvichifambiranawo nouwandi hwavo sezvavakanzi vagare vachiita pana Tenzi.

32Uyewo ndobasa ravainge vofanira kuita rokuonawo nezvetendhe rokusanganira nenzvimbo inoera vachitumwa navanakomana vaAroni hama dzavo kuitira basa repamba yaTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help