Kutsinhira Mutemo Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mubhuku rino Kutsinhira Mutemo kana kuti Dhuteronomi nderimwe ramabhuku mashanu akanyorwa naMosesi. Bhuku iri rakanyorwa vaIsiraeri vava munyika yeMoabhu vodongorera munyika yeKanani. Vari ipapa Mosesi ndipo paakataura zvinhu zvakawanda.Zvimwe zvacho zvikuru zvaakataura ndezvizvi:1. Mosesi anovayeuchidza zvinhu zvikuru zvakaitika murenje makore makumi mana apfuura. Anokumbirisa vaIsiraeri kuti varangarire kutungamirirwa kwavakaitwa naMwari murenje, ivo vagova vanoteerera Mwari.2. Mosesi anovayeuchidza mitemo gumi (Kubuda 20) uye kuti mutemo wokutanga unorevei, kuti vanhu vanamate Mwari oga vachimushumira iye. Akavayeuchidzawo mimwe mitemo yaizovabatsira munyika yavo yechipikirwa.3. Mosesi anorangaridza vanhu nezvechitenderano chavo naMwari achiti varambe vachisimbisa chitenderano ichochi.4. Mosesi anodoma Joshuwa kutora nzvimbo yake yokutungamirira vanhu vaMwari. Shoko guru mubhuku iri nderiri: Mwari anosunungura varasudzwi vake vaanoda achivakomborera. Vasarudzwi varangarire izvi vamudewo vachimunamata. Jesu akasimbisawo mashoko aripa (Mutemo 6:4–9)Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roKutsinhira MutemoKuparidza kokutanga kwaMosesi (1:1—4:49)Kuparidza kwechipiri kwaMosesi (5:1—26:19)a) Mitemo gumi (5:1—10:22)b) Zvakatongwa, hutongi nenyevero (11:1—26:19)Kudzidziswa zvokupinda kwavo muKanani (27:1—28:68)Kuvandudwa kwechitenderano (29:1—30:20)Mashoko okupedzisira aMosesi (31:1—33:29)Kufa kwaMosesi (34:1–12)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help