Isaya 34 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuranga kuchaita Mwari vavengi vake

1Swederai padyo

imi marudzi avanhu muzonzwa,

tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu.

Nyika ngaiteerere

nezvose zviri mairi

naipo pasi pose

nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi,

2nokuti Tenzi avirukira nehasha

marudzi ose avanhu

ashatirirwa vose zvavo

nouwandi hwavo kudaro

avatemera kuparadzwa

avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa.

3Zvitunha zvavo

zvichanzi hupukupu kuraswa kunze,

zvitunha zvavo

zvichaita gutukutu kunhuwa.

Makomo achayerera ropa ravo.

4Gurusvusvu rezvomudenga richaora,

matenga omonwa

sebhuku rokumononora

gurusvusvu razvo zvose richidonha

samashizha anosasamuka mumugirepisi

samashizha ari kusasamuka mumukuyu.

5Chikonzero ndechokuti

bakatwa rangu

ranwa rikaguta nezvokumatenga,

hero, rava kuburuka

kuzoranga Edhomu

pavanhu vandatemera kuparadzwa.

6Tenzi ane bakatwa

bakatwa racho rizere ropa

rakanunirira namafuta

neropa rehwayana nerembudzi

namafuta etsvo dzehondohwe

nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira

kukatakazhwa chaiko kwavanhu

munyika yeEdhomu.

7Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati

nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba.

Nyika yavo ichanyata neropa

ivhu ravo rakoreswa namafuta

8nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza

gore rokudzosera achitsividzira Zioni.

9Hova dzeEdhomu dzichasandurwa

dzikasviba setara

ivhu ravo richaita somoto wesarufa

nyika yavo ichava setara iri kutsva

10siku nesikati

isina anogona kudzima

utsi hwayo huchatogoka mudenga

nokusingaperi.

Ichagara chizvarwa nechizvarwa

isina anoishandisa

hapana anenge achipfuura nemo

kudzamara narini wose.

11Asi inenge yatova zvayo

mumaoko morukodzi nenungu,

nezizi negunguo

zvotogara zvazvo imomo.

Achakaka tambo yemanyongori

pamusoro payo,

nokuimutsira nyonganyonga

inorema sekasimbi kokukakisa nako

tambo yokuvakisa.

12Vachazoitumidza zita rokuti

“Kasinaumamboikoko”

machinda ayo achange

ari vanhu pasina.

13Minzwa ichakura zvayo

munhare dzayo dzokuzvidzivira

muhondo nadzo,

uye unye namakwenzi eminzwa

mumaguta ayo etsvingo.

Ichange yava dambiro ramakava

nomusha wemhou.

14Mhuka dzesango dzichasangana namapere,

madzimudzangara achidaidzirana

namamwe awo madzangaradzimu.

Ehe, imomo ndomuchapindwa nomweya werima

uchizviwanira pokuzororera.

15Zizi richazvivakira zvaro dendere imomo

nokutokandira zvaro mazai

richizoachochonya

nokutozovhumbamirawo vana varo

mumumvuri waro.

Ehe, njerere dzichaunganidzana imomo

dziri mbiri mbiri,

jongwe nesheshe yaro.

16Zvitsvakei izvozvi

muchazviverenga muBhuku raTenzi,

hakuna nechimwe chaizvozvi izvi

chichazenge chisimo

zvose zvichange zviri chikono nechikadzi

nokuti ndizvo zvatemwa

nomuromo waTenzi

Mweya wake ndouchazviunganidza.

17Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho

akazvitarira mutsetse noruoko rwake

achizvigovanisa

uchava mugove wazvo narini wose.

Zvichagara imomo

kwezvizvarwa nezvizvarwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help