Nehemiya 7 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa,

2ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji.

3Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.”

Mazita nouwandu hwevanhu vakadzoka kuutapwa(Ezira 2:1–70)

4Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa.

5Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi:

6Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake.

7Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana.

Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri:

8Vanakomana vokwaParoshi

zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri

9vokwaShefatiya

mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri

10vokwaAra

mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri

11Vanakomana vokwaPahatimoabhu

vari vokwaJeshua naMoabhu

zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere

12vokwaEramu

chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana

13vokwaZatu

mazana masere ana makumi mana navashanu

14vokwaZakai

mazana manomwe ana makumi matanhatu

15vanakomana vokwaBhinui

mazana matanhatu ana makumi mana navasere

16vokwaBhebhai

mazana matanhatu ana makumi maviri navasere

17vokwaAzigadhi

zviuru zviviri zvina mazana matatu

ane makumi maviri ana vaviri

18vanakomana vokwaAdhomikamu

mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe

19vokwaBhigivhai

zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe

20vokwaAdhini

mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu

21vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya

makumi mapfumbamwe navasere

22vokwaHashumu

mazana matatu ana makumi maviri ana vasere

23vokwaBhezai

mazana matatu ana makumi maviri ana vana

24vokwaHarifi zana negumi navaviri

25vanakomana vokwaGibheoni

makumi mapfumbamwe ana vashanu

26vokuBheterehemu nevokuNetofa

zana namakumi masere ana vasere

27vokuAnatoti

zana namakumi maviri ana vasere

28vokuBhetiazimavheti

makumi mana ana vaviri

29vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti

mazana manomwe ane makumi mana navatatu

30vokuRama nokuGebha

mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete

31vokuMikimashi

zana namakumi maviri ana vaviri

32vokuBhetieri neAi

zana namakumi maviri ana vatatu

33vokune imwe Nebho

makumi mashanu navaviri

34vokune imwe Eramu

chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana

35vokuHarimu

mazana matatu ana makumi maviri

36vokuJeriko

mazana matatu ane makumi mana navashanu

37vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno

mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete

38vokuSenaa

zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu.

39Vapristi:

vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba

yokwaJeshua vaiva

mazana mapfumbamwe

namakumi manomwe navatatu

40vokwaImero chiuru namakumi

mashanu ana vaviri

41vokwaPashihuru chiuru namazana maviri

ana makumi mana navanomwe

42vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe.

43VaRevhi: vana vokwaJeshua

vakomana vemba yokwaKadhimieri vari

vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana.

44Vaimbi: vana vokwaAsafu:

zana namakumi mana ana vasere.

45Vachengetedzi vapamisuo mikuru:

vana vokwaSharumu vakomana naAteri

naTarimoni naAkubhu naHatita

naShobhai vaiva zana rimwechete rine

makumi matatu nevasere.

46Vashandi vapaTemberi vaiva

vanakomana vaava vanoti:

Ziha naHasufa naTabhaoti

47naKerosi naSiya naPadhoni

48naRebhana naHagabha naSharumai

49naHanani naGidheri naGaheru

50naReaya naResini naNekodha

51naGazamu naUza naPesea

52naBhesai naMeunimu naNefusimu

53naBhakibhuku naHakufa naHarihuru

54naBhaziruti naMehidha naHarisha

55naBharikosi naSisera naTema

56naNezi naHatifa.

57Vanakomana vavaranda

vokwaSoromoni paiva

nevokwaSotai naSofereti naPeridha

58novokwaJaara naDharikoni naGidheri

59novokwaShefatiya naHatiri

naPokeretihazibhaimu naAmoni.

60Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri.

61Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.

62Vakanga vari vanakomana vaava vanoti:

Deraya naTobhiya naNekodha.

Ivava ava vaiva vari

mazana matanhatu ane makumi mana navaviri.

63Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake).

64Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora.

65Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.

66Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu.

67Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu.

68Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu.

69Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri.

70Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi.

71Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro.

72Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti:

ndarama ingangoita zana

remakirogiramu rina makirogiramu makumi

matanhatu ana masere, nesirivha

yainge makirogiramu zana

nemakumi mana, namagemenzi

makumi matanhatu namanomwe avapristi.

73Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help