Zvakaratidzwa 12 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chiratidzo chomudzimai nezigaranyanya

1Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza

chomudzimai akatenderedzwa nezuva

mwedzi uri pasi petsoka dzake,

aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri.

2Akanga akazvitakura

achichema nokurwadziwa ava kupona

achitambudzika pakusununguka.

3Kwakaonekwa chimwe chiratidzo mudenga

chezigaranyanya guru dzvuku

rine misoro minomwe negumi renyanga

nengundu nomwe pamisoro yaro.

4Muswe waro wakakumba chikamu chechitatu

chenyenyedzi dzedenga ukadzikanda pasi.

Zigaranyanya riya rakandomira pamberi pomudzimai

akanga ava kuda kusununguka mwana

kuti ridye mwana wake paanongomupona.

5Akasununguka mwana mukomana

aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi.

Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari

nokuchigaro chake choumambo.

6Mudzimaiwo ndokuti ware kutizira kurenje

kune nzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari

maaizoriritirwa kwamazuva ane chiuru

namazana maviri namakumi matanhatu.

7Mudenga makamuka hondo

Mikaeri navatumwa vake vachirwisa zigaranyanya riya.

Zigaranyanya navatumwa varo rakarwisawo.

8Zigaranyanya navatumwa varo rakakurirwa;

pakanga pasisina nzvimbo yavo kudenga.

9Zigaranyanya guru riya rakakandidzirwa pasi,

ndiyo nyoka iya yapasichigare

inonzi Dhiabhori kana kuti Satani

munyengedzi wapasi pose.

Akakandidzirwa pasi;

vatumwa vake vakakandidzirwawo pasi pamwechete naye.

10Ndakazonzwa izwi guru mudenga richiti,

“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu

noukuru hwaMesia wake zvauya

nokuti mupomeri wehama dzedu akakandidzirwa pasi;

ndiye uya anovapomera mhosva siku nesikati pamberi paMwari wedu.

11Vakamukurira neropa reHwayana

uye neshoko rokupupura kwavo

nokuti vakazvipira upenyu hwavo kusvika pakutofa.

12Fara iwe denga nemi mugere mariri.

Une nhamo iwe nyika negungwa

nokuti Dhiabhori aburukira kwauri nehasha huru

nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”

13Zigaranyanya parakaona kuti rakandidzirwa pasi

rakaronda mudzimai uya

akanga asununguka mwana mukomana.

14Asi mudzimai akanga apiwa

mapapiro maviri egondo guru

kuti abhururukire kugwenga

achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa

kwamakore matatu ane hafu.

15Nyoka iya yakawodzvora mvura serwizi

ichibva mukanwa mayo

yakananga kumudzimai uya

kuti imueredze neboporodzi iroro.

16Asi nyika ndiyo yakazobatsira mudzimai uya.

Nyika yakashama muromo wayo

ikamedza rwizi rwuya

rwakanga rwaodzvorwa nezigaranyanya rwuchibva mumuromo maro.

17Zigaranyanya rakashatirirwa mudzimai uya

ndokuenda kundorwisa vamwe vana vake vose

vanochengeta mitemo yaMwari nouchapupu hwavo kuna Jesu.

18Rakamira pamahombekombe egungwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help