Isaya 45 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko raMwari rakanangana naKoreshi

1Tenzi ari kutaurira

muzodzwa wake Sairasi

wandakabatana ruoko rwerudyi

zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu

mberi kwake

nokushayisa madzimambo simba

nokufanozarura makonhi mberi kwake

kuitira kuti misuo mikuru

irege kupfigwa achiti,

2“Ndichafanoenda mberi kwako

ndichifanoita kuti

nzvimbo dzakatunhumara

dziti chechetere,

ndichipaza kuti mwarara

makonhi endarira

ndichidimura zvihuri zvesimbi.

3Ndichakupa upfumi hwomurima

hwakavigwa munzvimbo dzechivande

kuti uzive kuti ini ndini Tenzi

Mwari weIsiraeri

ari kukudoma nezita.

4Chandiri kuitira

muranda wangu Jakobho,

naIsiraeri wandakasarudza.

Ndinokudoma nezita

ndichikudaidza nezita redzinza rako

kunyange zvako usingandizivi.

5Ndini Tenzi

hakuna mumwe,

hakuna mumwe Mwari

kunze kwangu

anokupa simba ndini

kunyange usingandizivi

6kuitira kuti kubvira kumabuda zuva

kusvikira kumadokero

vanhu vagoziva kuti

hakuna mumwe kunze kwangu.

Ndini Tenzi

hakuna mumwe.

7Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo

ndichisikawo rima.

Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika.

Ndini ndinounza pfumvu.

Ndini iyeni Tenzi

ndinoita zvinhu zvese izvozvi.

8“Imi matenga muchadenga'mu

nayai, makuti anaise ururami

nyika ngaizaruke

ruponeso rumere pairi

iite kuti ururami hutungirewo,

Ini Tenzi ndini ndinozviita.”

9Ane nhamo munhu

anokakavadzana noMusiki wake,

ihari inorwisana nomuumbi wayo!

Iro ivhu rokuumbisa

ringabvunze here anoumba naro kuti,

“Ko ndicho chii ichochi chauri kuumba?”

Kana kuti, “Inga zvokuumba izvi,

hamuna maoko nazvo?”

10Ane nhamo mwana anoti kuna baba,

“Ko ndicho chiikowo ichochi chamakabereka?”

Kana kutoti zvake kuna mai,

“Ko chiikowo ichochi chamakasununguka?”

11Tenzi, iye Anoera waIsiraeri,

Musiki wake anoti,

“Wada here iwe kundibvunza

nezvevana vangu?

Kana kutondiudza zvokuita

nebasa randinoita ini

namaoko angu?

12Ndini ndakaita nyika

ndikasika munhu pairi;

ini namaoko angu ndini

ndakatambanudza matenga uko nekokoko.

Ndini ndakabata mumaoko

gurusvusvu rezvose zvomudenga imomu.

13Ndini ndakamumutsa mwoyo

ndikamupa ukundi

ndicharuramisawo makwara ake ose.

Achavaka guta rangu

achasunungura vanhu vangu

vari muutapwa

pasina zvokupiwa mubayiro kana muripo.”

Ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo.

14Zvanzi naTenzi,

“Zvinhu zvinoshandwa kuIjipiti

noupfumi hwokuItiopia nevaSabhia

ivo vaye hofori dzavanhu

zvichauya kwamuri

zvichiva zvenyu.

Vachati rongondo munzira

kukuteverai

vachayambukira kwamuri

vakasungwa nemajoti

vachizoti kwamuri pasi kota kota.

Vachakutetererai vachiti,

imimi chete

ndimi muna Mwari,

hakuna mumwe,

kunze kwake,

hakunazve mumwe Mwari!”

15Imi muri Mwari anozvivanza zvenyu

imi Mwari weIsiraeri, Mununuri.

16Vose zvavo vanenge

vanyadziswa, vatsveruka,

vagadziri vezvifananidzo zvokunamata

vachadumbirwa pamwechete.

17Asi Isiraeri inonunurwa naTenzi

nokununura kunogara narini wose

asi imimi zvokunyadziswa hamunyadziswe

kana kutsverutswa zvako nokusingaperi.

18Chikonzero ndechokuti

iye Tenzi, Nyakusika matenga

ndiye Mwari iyeyu

akaumba nyika akaiita,

akaita kuti imire kudai;

haana kuisika sechinhu chisina kunyatsoumbwa.

Chaakaisikira

kuti igarwe navanhu.

Ari kuti,

“Ini ndini Tenzi,

hakuna mumwe.

19Handina kutaura muchivande

mukati menyika yerima.

Handina kumboti

kuzvizvarwa zvokwaJakobho,

‘Nditsvakei pasina.’

Zvandinoreva ini Tenzi, zvakarurama

ndinotaura zvinhu zviri pachokwadi.”

Tenzi ndiye chete Mwari

20“Kokorodzanai muuye

muswedere pedyo pamwechete

imi vakapunyuka

vokumarudzi avanhu uku!

Havana noruzivo zvarwo

ivo vanotakura

zvifananidzo zvokunamata zvezvimiti

vachidzunga nazvo

vachingogoorera kunamata kuna mwari

asingagone kununura.

21Zivisai vanhu

mupire nyaya yenyu

murege vapane mazano pamwechete!

Ndiani akafanozvitaura izvozvi kareko?

Ndiani akazvizivisa vanhu kare ikako?

Handisiri here ini Tenzi

hakuna mumwe Mwari

kunze kwangu ini,

Mwari akarurama, Mununuri

hakuna mumwe kunze kwangu.

22“Tendeukirai kwandiri muponeswe

imi vekwose kwakaperera nyika

ndinodaro nokuti ini ndini Mwari

hakuna mumwe.

23Ndinopika neni pachangu

kuti shoko rangu randareva muururami

muromo usingawire pasi

rinoti,

‘Ibvi rose zvaro

richandipfugamira

rurimi rwese zvarwo

ruchandipupura.’

24“Zvichataurwa nezvangu zvichinzi,

‘Muna Tenzi chete

ndimo mune ururami nesimba.

Vose zvavo vaiva nedaka naye

vachauya kwaari vachinyara.’

25“Muna Tenzi umu

zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri

zvichava nokukurira nembiri.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help