Isaya 42 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwokutanga rwaTenzi rwokuimbira muranda wake(Mat 12:18–21)

1“Hoyu muranda wangu

wandinotsigira

munhu wandakazvisarudzira,

wangu wepamwoyo.

Ndakaisa Mweya wangu maari,

achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso.

2Haazoita zvokudaidzira

kana zvokushevedzera

nenzwi rake

kunyange kuita kuti

rinzwike mumugwagwa.

3Rutsanga runenge rwakatyoka

haridimure,

rambhi rine tambo inoti

kamoto roi roi kubvira

haaridzime,

achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo.

4Haachazorasa mwoyo

kana kudzokera shure.

Kusvikira aunza ruenzaniso panyika,

nyika dziri kumahombekombe kwegungwa

dzamirira mutemo wake.”

5Zvanzi naTenzi Mwari,

iye akasika matenga

achiatambanudza nokokoko

iye akawarira nyika nezviri mairi

iye anopa vanhu mweya wokufema

iye anopa upenyu

vanofamba mairi,

6“Ndini Tenzi.

Ndakakudaidzira

kuzoita zvinhu chaizvo zvakarurama,

ndakakubata ruoko ndikakuchengeta.

Iwe ndiwe wandakaita kuti

uve sechitenderano changu

nendudzi dzavanhu

chiedza kumarudzi avanhu

7kuzozarura maziso amapofu,

kuzoburitsa vasungwa mujeri rapasi pevhu

kuburitsa mujeri vagere muzarima.

8Ndini Yahweh,

irori ndiro zita rangu.

Hakuna zvako kana mumwe

wandinopa ukuru hwangu

kana kupa kurumbidzwa kwandinoitwa

kuzvifananidzo zvokunamata zvakavezwa.

9Chionaika kuti,

zvinhu zvakare zvakatoitika

zvino ndava kukuzivisai zvinhu zvitsva

nguva yokuitika kwazvo isati yasvika,

ndava kufanokutaurirai nezvazvo.”

Rwiyo rwokurumbidza Mwari

10Imbirai Tenzi rwiyo rutsva

mumurumbidze,

kubvira kumucheto wapasi pose.

Gungwa ngaritinhire

nezvose zviri mariri

nenyika dzokumahombekombe kwegungwa

navagari vadzo.

11Gwenga namaguta aro

ngazvidaidzire nezwi razvo

nemishawo inogara Kedhari.

Vagari vokuSera

ngavaimbe nokufara kwazvo.

Ngavadaidzire vari

pamusoro chaipo pamakomo.

12Ngavape mbiri kuna Tenzi

vadhumise mukurumbira wake

munyika dzokumahombekombe kwegungwa

13Tenzi ari kuenda zvake

segamba chairo rehondo,

anoviruka nehasha

somunhu wehondo.

Anodaidzira

anoshevedzera

achizviratidza kuti ane simba

rokukurira mhandu dzake.

Mwari anovimbisa kununura vanhu vake

14Kwenguva ndefu

ndanga ndinyerere zvangu,

ndanga ndakangobata mwoyo

ndichizvidzora zvangu.

Zvino ndava kuridza mhere

somukadzi ari panguva yokusununguka,

ndochitura femo

ndichifemereka.

15Makomo nezvikomo

ndichazviti pasi mbombombo kuparadza

ndiomese zvose zvinomeramo.

Nzizi ndichadzisandura kuita zvitsuwa

madziva ndichiaomesa.

16Uye mapofu ndichaatungamirira

nenzira yavasingazivi,

ndichivatungamirira

nomutunzira twavanga vasingazivi.

Panzvimbo perima rakavaputira

ini ndichaisa chiedza

pana makomba makomba

ndichiita kuti pati chechetere.

Izvozvi izvi

ndozvinhu zvandichaita,

handisi kuzovafuratira.

17Asi vachapishunurwa

vachinyadziswa chaizvo

vanovimba nezvifananidzo zvavo

zvokunamata zvakavezwa,

vanoti kuzvifananidzo

zvoutare hwakaita zvokunyungurutswa,

“Imi ndimi vamwari vedu.”

Muranda waTenzi

18Chinzwa unzwe iwe matsi

chitarisa iwe bofu uonewo!

19Ndiani chaizvo ano upofu

kusatoti iye muranda wangu,

kana kuti ane umatsi

sohwenhume yangu yandinotuma?

Ndiani chaizvo ane upofu

sehwaiye akateketererweni uyu,

kana kuti ane upofu

hwakaita sohwemuranda waTenzi?

20Unoona zvako zvinhu zvakawanda

asi haunyatsozvicherechedza,

nzeve dzako dzakazaruka

asi haunzwe.

21Tenzi, pamusana pokururama kwake,

akafadzwa nokurumbidza mutemo wake

nokuita kuti ukurumbire.

22Asi vanhu ivava

vanhu vakabhinywa, vakapambwa,

vose zvavo vakazaririrwa muninga

vakahwandiswa mujeri,

vakapinda munhamo

isina anonunura,

chinhu zvacho chokupamba

chisina anoti, “Ngachidzorerwe!”

23Pakati penyu nyaya iyoyi

ndiani angaitetekere nzeve

akateerera akanzwa

zvakanangana neramangwana?

24Ndianiko wakaisa wokwaJakobho

mumaoko omupambi,

uye vokwaIsiraeri

mumaoko amabhinya?

Handiti ndiTenzi here

watakatadzira,

ana makwara avasina kutevedza

ano mutemo wavasina kuteerera?

25Ndokusaka akapedzera paari shungu

dzokuviruka kwaakanga aita nehasha,

nokumupinza munhamo yehondo.

Akaputirwa namarimi omoto

asi kuti zvazvaireva haana kuzvibata

zvakamupisa asi chidzidzo chacho

hachina kumupinda mumusoro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help