Mupiro 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mipiro yokuwadzana

1Kana munhu achida kupira Tenzi chibayiro chake kuti chive mupiro wokuwadzana, ingave mombe yomukono kana hadzi, asi ngaive isina chinoshoreka.

2Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.

3Pachibayiro chomupiro wokuwadzana unopirwa kuna Tenzi uchiitwa zvokupiswa ngaabvise mafuta ose anoputira zvomukati namafuta ari pazviri,

4neitsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba nechinyama chepachiropa chaachabvisa pamwechete netsvo.

5Vanakomana vaAroni ngavapisire zvose izvozvo paatari pamwechete nomupiro wokupisa, pahuni dziri kubvira moto, iwoyu mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.

6Kana mupiro wake wokuwadzana kuna Tenzi uri wehwai kana mbudzi, hono kana hadzi, ngaive isina chinoshoreka.

7Kana munhu achida kupira hwai, ngaauye nayo kuna Tenzi,

8aise ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.

9Pachibayiro chomupiro wokuwadzana, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa, ngaapire mafuta acho, neemuswe wacho wose, wakakora, wakachekwa nepaunosangana nomusana, namafuta ose anoputira zvomukati, neari pazviri,

10neitsvo mbiri, namafuta ari pakatinginika petsvo, nedivi rechiropa rakareba.

11Mupristi ngaapisire Tenzi nyama idzodzo dzose paatari, somupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa.

12Kana chibayiro chake kuna Tenzi chiri chembudzi,

13ngaauye nayo kuna Tenzi aise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.

14Pachibayiro ichocho, ngaabvise mafuta anoputira zvomukati neari pazviri, apire kuna Tenzi mupiro unoitwa zvokupisa,

15neitsvo namafuta ari padziri nechinyama chepachiropa.

16Mupristi ngaapisire nyama idzodzo dzose paatari, achipira Tenzi mupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa unonhuhwirira zvinomufadza. Mafuta ose ndeaTenzi.

17Uyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose wokuti: kose kwamuchagara musadye mafuta kana ropa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help