Ezira 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zano rokupedza zvokuroorerana nevechirudzi

1Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo.

2Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro.

3Naizvozvo ngatiitei chitenderano naMwari wedu tirambe vakadzi vacho navana vavo maererano nezano renyu changamire uye maererano nezano ravanhu vanodedera mutemo waMwari wedu, zviitwewo maererano nezviri mumutemo.

4Chisumukai nokuti irori ibasa renyu, isu tinokutsigirai simbai mwoyo muzviite.”

5Ezira akasimuka akaitisa vakuru vakuru navapristi navaRevhi neveIsiraeri vose chitsidzo chokuti vachaita zvakanga zvarehwa zvacho. Nokudaro vakaita chitsidzo.

6Ezira akabva pamberi pemba yaMwari akaenda kumba kwaJehohanani mwanakomana waEriyashibhu. Ndokwaakaenda akandorarako asingadye kana kunwa mvura nokuti akanga achichema kusatendeka kwevaye vakatandanisirwa kusiri kwavo.

7Kwakatumwa chirevo kwaJudha yose neJerusaremu kune vose vakanga vatamisirwa kusi kwavo vaye kuti vaungane kuJerusaremu

8uye kuti kana munhu akarega kuuyako mazuva matatu asati apera, sezvanga zvatemwa namakurukota navakuru vakuru kuti abvutirwe zvinhu zvaanazvo iye pachake agodzingwa mugungano revaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusi kwavo.

9Varume vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini vakaungana kuJerusaremu mumazuva matatu uri mwedzi wechipfumbamwe musi wechimakumi maviri womwedzi iwoyo. Vanhu vose vakaungana munhandare yepamusuo wemba yaMwari vachidedera kutya nyaya iyoyi uyewo pamusana pemvura zhinji yainaya.

10Mupristi Ezira akasimuka akati kwavari, “Makakanganisa nokuroora kwamakaita vakadzi vechirudzi mukaita kuti mhosva yeIsiraeri ikure.

11Zvino reururai kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu muite kuda kwake muzvitsaure kuvanhu vomunyika muno navakadzi vechirudzi.”

12Vanhu vose vakapindura nezwi guru vachiti, “Ndizvozvo chaizvo! Tinofanira kuita sezvamareva.

13Asika vanhu vakawanda ava uye inguva yokuwanda kwemvura yokunaya. Hatigone kuramba takamira panze pano uye harisi basa rezuva rimwechete kana maviri nokuti kukanganisa kwedu panyaya iyoyi kukuru chaizvo.

14Mochirega makurukota edu amiririre gungano rose, maguta edu ose ana vakadzi vacho vechirudzi vazouya panguva dzakatemwa. Vanofanira kuuya navakuru vakuru navotongi veguta iroro kusvikira hasha dzaMwari wedu dzinotyisa kwatiri panyaya iyoyi dzapora.”

15Jonatani mwanakomana waAsaheri naJahizeya mwanakomana waTikivha vakapikisana nazvo. Asi Meshuramu naShebhetai vaRevhi vakatsigirana navo.

16Vokudzoka vaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusiri kwavo vaye vakaita saizvozvo. Mupristi Ezira akasarudza varume vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo imba nemba mumwe nomumwe achidomwa nezita. Pazuva rechiposhi romwedzi wegumi vakagara pasi vakatangisa kuongorora nyaya iyoyi.

17Nezuva rechiposhi romwedzi wokutanga vakatenge vatopedzerana nevarume vose vakanga vane vakadzi vechirudzi.

Mazita evarume vokuwanikwa vakaroora vakadzi vechirudzi

18Pakati pevanakomana vokuvapristi:

vanhu vakawanika vakaroora vakadzi vechirudzi ndevava ava:

kuvanakomana vokwaJeshua:

nokwaJozadhaki nehama dzavo,

ndiMaaseya naEriezero

naJaribhu naGedhariya.

19Vakazvisunga nemhiko kuramba

vakadzi vavo. Mupiro wokuripa

mhosva wavakabvisira mhosva yavo

ndowehondohwe yepazvipfuwo zvomudanga.

20Kuvanakomana vokwaImero:

kukawanikawo Hanani naZebhadhiya

21Kuvanakomana vokwaHarimu:

kukawanika kuina Maaseya naEriya naShemaya

naJehieri naUziya

22kuvanakomana vokwaPashuri:

kukawanikawo Erioenai naMaaseya naIshimaeri

naNetaneri naJozabhadhi naErasa.

23KuvaRevhi:

kwakawanika kuina Jozabhadhi naShimei naKeraya

(Keraya uyu ndiye wakareyo Kerita)

uye Petahiya naJudha naEriezero

24Kuvaimbi:

uku kuna Eriyashibhu

Kuvachengetedzi vepamisuo:

mikuru kwaivawo naSharumu naTeremu naUri.

25Kune vokwaIsiraeri:

kuvanakomana vokwaParoshi:

ndiRamia naIzia naMarukiya

naMijamini naEreazari naMarukiya naBhenaya.

26Kuvanakomana vokwaEramu:

kuna Mataniya naZekariya naJehieri

naAbhudhi naJeremoti naEriya.

27Kuvanakomana vokwaZatu:

kwaiva naErioenai naEriyashibhu naMataniya

naJeremoti naZabhadhi naAziza

28kuvanakomana vokwaBhebhai:

ndiJehohanani naHananiya naZabhai naAtirai

29Kuvanakomana vokwaBhani:

ndiMeshuramu naMaruki naAdhaya

naJashubhu naSheari naJeremoti

30Kuvanakomana vokwaPahatimoabhu:

kwakawanikwa kuina

Adhina naKerari naBhenaya

naMaaseya naMataniya naBhezarieri

naBhinui naManase

31Kuvanakomanawo vokwaHarimu:

kwaiva naEriezero naIshiya naMarukiya

naShemaya naShimeoni

32naBhenjamini naMaruki naShemariya

33Kuvanakomana vokwaHashumu:

kuna Matenai naMatata naZabhadhi

naErifereti naJeremai naManase naShimei

34Kuvanakomana vokwaBhani:

kwaivawo naMaadhai naAmuramu naUeri

35naBhenaya naBhedheya naKeruhi

36naVhaniya naMeremoti naEriyashibhu

37naMataniya naMatenai naJaasu

38Kuvanakomana vokwaBhinui:

kwaiva naShimei

39naSheremiya naNatani naAdhaya

40naMakinadhebhu naShashai naSharai

41naAzareri naSheremiya naShemariya

42naSharumu naAmariya naJosefi

43Kuvanakomana vokwaNebho:

kukawanikwa kuna Jeieri naMatitiya naZabhadhi

naZebhina naJadhai naJoeri naBhenaya.

44Vose ivava vakanga varoora vakadzi vechirudzi vakavapa vana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help