Dhanieri 8 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chiratidzo chakaonekwa naDhanieri chehondohwe negotora

1Mugore rechitatu rokutonga kwamambo Bherishaza ini Dhanieri ndakaona chiratidzo mushure mechiya chandakamboona kwokutanga.

2Muchiratidzo ichochi ndakatarisa ndikaona ndava muguta reSusa, riri munyika yeEramu. Izvozvo muchiratidzo ichi ndakaona ndiri kurwizi rwaUrai.

3Ndakatarisa nameso angu onei hondohwe imire pakadaro apo kumahombekombe kwerwizi. Yaiva nenyanga mbiri, dzose dziri mbiri dzakareba, asi imwe yakanga yakareba kudarika imwe. Ndefu yacho iyi ndiyo yakapedzesera kubuda.

4Ndakaona hondohwe iya ichirwisa yakananga kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba pasina mhuka yaimbofemera kumirisana nayo uye kusina nomumwe aigona kununura chawira mumaoko mayo. Hondohwe iyoyo yaitoita zvainoda zvayo, yaizvitutumadza.

5Pandaicherechedza kudaro, onei hero gotora richiuya richibva kumadokero richidimura nenyika yose zvayo risingatsiki pasi. Mbudzi iyoyo yaiva norunyanga rwainyatsoonekwa nechapakati pamaziso ayo.

6Gotora riya rakasvika kuhondohwe iya yaiva nenyanga mbiri yandakanga ndamboona imire kumahombekombe kwerwizi kuya. Rakamhanyira kwairi nehasha dzakanyanya.

7Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro.

8Gotora iri rakabva razvitutumadza zvikuru kwazvo asi parakanga zvino rasimba, zinyanga guru riya rakatyoka. Panzvimbo paro pakabuda nyanga ina dzainyatsoonekwa dzakanga dzakananga mumhepo kumativi mana edenga.

9Mune imwe yenyanga idzodzo makabuda kamwe kanyanga kakakura kwazvo kakananga kumaodzanyemba, kakanangawo kumabvazuva uye kakanangawo nyika yembiri.

10Kakakurakura chaizvo zvokutosvika kugurusvusvu rezvinhu zviri mudenga. Mamwe magurusvusvu enyenyedzi kaikurumurira pasi kachitodzitsokodzera zvako.

11Kanyanga ikako kakazvitutumadza zvokutosvika kunyange nokuJinda regurusvusvu. Zvokupira kwaari mupiro wokupisa unogaroitwa zvikaregerwa uye Nzvimbo yake Inoera ikakurirwa.

12Ipapo gurusvusvu riya rakaiswa mumaoko mayo pamwechete nomupiro wokupisa pamusana pouipi. Chokwadi chakakandwa pasi, nyanga iyoyi ikaita zvayaiita zvikabudirira.

13Ndakanzwa mumwe anoera achitaura ndokubva mumwewo anoera abvunza uya akanga ataura kuti, “Ko izvo zvechiratidzo chomupiro wokupisa unogaroitwa izvi nezvokumbosiya zvakadaro Nzvimbo Inoera negurusvusvu racho zvichitsokodzerwa zvazvo netsoka, zvichapedza nguva yakadii?”

14Iye ndokuti kwaari, “Zvichapedza zviuru zviviri zvina mazana matatu amanheru namangwanani, Nzvimbo Inoera ndipo paichazochenurwazve yoita chaizvoizvo zvainofanira kunge yakaita.”

Mutumwa Gabhurieri anodudzira chiratidzo

15Ini Dhanieri pandakaona chiratidzo ichochi ndakatvsaka kuti ndichinzwisise ndiye vhu kumira mberi kwangu mumwe aiva nechimiro chinenge chomunhu.

16Ndakanzwa izwi romunhu pakati pamahombekombe maviri aUrai richidaidzira kuti, “Gabhurieri tsanangurira munhu uyu anzwisise chiratidzo ichi.”

17Nokudaro iye akaswedera pandaiva ndimire. Paakasvika kudaro, zvakandityisa ndikawira pasi nouso. Asi iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu inzwa unzwe, chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzesera chaiyo.”

18Achitaura neni kudaro, ndakabatwa nehope dzorufu chaidzo ndakatsikitsira uso pasi. Asi iye akandibata akandimisa netsoka dzangu.

19Akati:

“Chinzwa ndava kukuzivisa zvichazoitika

pakupedzesera chaiko kwehasha

dzaMwari nokuti ndezvenguva yakatemwa yokumagumo.

20“Zvehondohwe yawaona iya

ine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo

avaMidhi navaPezhia.

21Gotora rinomirira mambo wenyika yeGirisi

nyanga huru yepakati pamaziso aro

ndimambo wokutanga wacho.

22Nyanga yatyoka iya,

ina panzvimbo pakamuka nyanga dzimwe ina,

ndihwo umambo huna huchamuka muvanhu vake

asi zvisingabve musimba rake.

23“Kumagumo chaiko kwohutongi hwavo,

vakaipa pavanengewo zvino vakombodza,

kuchazomuka mumwe mambo,

munhu ane uso hune chivindi,

shasha mumadimikira.

24Achava nesimba guru.

Achaita kuti kuve

nokuparadza kunotyisa achibudirira mune

zvaanoita achiparadza

magamba chaiwo pamwechete nevorudzi rwavatsvene.

25Noujarijari hwake achaita kuti unyengedzi

hutekeshere, zvinhu zviri mumaoko make,

uye mumwoyo make achizvitutumadza.

Achaparadza vazhinji pasina zvokuyambira

zviya, achatomukirawo kana nairo Jinda ramachinda,

asi kuparara achaparara

asi kwete kuparadzwa noruoko rwomunhu.

26Chiratidzo chezvamanheru nezvamangwanani

charehwa chiya ndechechokwadi.

Asi wochipfundira chiratidzo ichocho nokuti

ndechezvichauya mushure menguva ndefu.”

27Zvino ini Dhanieri ndakadumbirwa nazvo ndikarara ndava kurwara kwamazuva mazhinji. Ndakazomuka zvangu ndikafamba nenyika ndichiita basa rokwamambo. Asi ndakadumbirwa mumwoyo nechiratidzo ichocho pasina kchandanzwisisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help