Nziyo 91 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwari ndiye mudziviriri wedu

1Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro,

anogara mumumvuri waSamasimbaose,

2anogona kuti kuna TENZI,

“Ndimi diziro rangu nhare.”

3Nokuti achakununura

kumunhu anokuteya zvakaipa

uye kudenda rinoparadza.

4Achakufukidza neminhenga yake

uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake.

Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza.

5Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya

kana museve unokandwa masikati.

6Kana mharadzi dzinofamba murima,

nyange zvinoparadza masikati machena.

7Kurutivi rwako kungawire zvako churu

kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru

asi iwe hapana chinokusvika.

8Uchangozvitarisawo nameso

kuti uone mubayiro wavakaipa.

9Nokuti unenge wati TENZI

ndiye mudziviriri wangu

waita musha wako muna Wokumusorosoro.

10Hapana chakaipa chinokuwira

kana denda rinosvikawo pamusha pako.

11Nokuti achapa vatumwa vake basa

rokukuchengeta panzira dzako dzose.

12Vachakubata mumaoko

kuti urege kugumbura tsoka yako pabwe.

13Uchatsika zvako pamusoro peshumba nechiva.

Shumba, ino chaiyo, yechidiki nenyoka,

uchazvitsika-tsika pasi petsoka dzako.

14Pamusana pokuti anoita chiname neni

ndichamununura norudo.

Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu.

15Akadana kwandiri

ndichamupindura;

ndichava naye munhamo;

ndichamununura ndichimuremekedza.

16Ndichamugutsa noupenyu hurefu

ndigoita kuti aone ruponeso rwangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help