Kubuda 24 - Shona Common Language Bible(SCLB)

KUSIMBISISA CHITENDERANO

1Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora Aroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru makumi manomwe vevaIsiraeri, mukwire muno mugomo mandiri. Musati masvika pandiri pfugamai mundiremekedze.

2Iwe Mosesi ndiwe woga uchasvika pedyo neni Tenzi, asi vamwe ngavarege kuswedera pedyo, vamwe vanhu ngavarege kukwira muno newe.”

3Mosesi akandoudza vaIsiraeri zvose zvakarehwa naTenzi nemirao yose. Vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Tichaita zvose zvataurwa naTenzi.”

4Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri.

5Ipapo Mosesi akatuma mamwe majaya echiIsiraeri, akandopira zvibayiro zvokupisa, akapirawo zvibayiro zvemipiro yokuwadzana zvemombe kuna Tenzi.

6Mosesi akatora rimwe ropa rezvibayiro ndokuriisa mumidziyo. Rimwe racho akasasa naro atari.

7Akazotora bhuku rechitenderano akariverenga vanhu vachinzwa. Vanhu vakati, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita, tichava vanhu vanoteerera.”

8Mosesi akatora ropa riya ndokurisasa pavanhu, achiti, “Ropa iri, nderechitenderano chaTenzi chaaita nemi maererano nemirao yaakupai.”

9Mosesi naAroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru vevaIsiraeri makumi manomwe vakakwiramo,

10vakaona Mwari weIsiraeri. Pasi petsoka dzake painge pane ruware rwakaita samabwe anokosha esafaya, rwakati ngwerewere sokunze sezvakangoita mudenga'mu.

11Asi haana kuparadza vakuru vakuru vevaIsiraeri ivavo. Vakaona Mwari, kudya vakadya, kunwa vakatonwawo zvavo.

Mosesi anokwira mugomo reSinai muna Mwari

12Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.”

13Mosesi naJoshuwa, mubatsiri wake, vakasimuka. Mosesi akakwira mugomo raMwari.

14Akasiya audza vatungamiriri vaya kuti, “Imi imbotimirirai pano, kudzamara tadzoka kuno kwamuri. Zvavapo ndezvizvi, Aroni naHuri ndivo vamuchasara navo. Anenge ane chanyanya kunetsa ngaaende kundoona ivava.”

15Mosesi akakwira mugomo, gore ndokubva rati gude gude kufukidza gomo iroro.

16Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakauya pagomo reSinai, gore rikafukidza gomo iroro kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, iye ari mukati megore akadaidzira kuna Mosesi.

17Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri.

18Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help