Johani 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Jesu Mufudzi wakanaka

1Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo.

2Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai.

3Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze.

4Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake.

5Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.”

6Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.

7Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri,

“Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai.

8Vose vakanditangira

dzaiva mbavha namakororo

asi hwai hadzina kuvateerera.

9Ini ndini musuo.

Anopinda napandiri achaponeswa;

achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro.

10Mbavha inouya chete kuzoba,

nokuzouraya nokuparadza,

ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu,

uye kuti vawane upenyu huzere.

11Ini ndini mufudzi wakanaka

mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.

12Muronzerwi, asiri mufudzi

uye asiri muridzi wehwai

akaona mhumhi ichiuya

anosiya hwai dziya achitiza,

mhumhi inobvuta hwai;

dzimwe dzigoti mwanda kupararira.

13Anotiza nokuti muronzerwi chete

uye haana hanya nehwai.

14Ini ndini mufudzi wakanaka

ndinoziva hwai dzangu

uye hwai dzangu dzinondizivawo

15sokundiziva kunoita Baba,

iniwo ndinoziva Baba,

ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu

kuitira hwai.

16Ndine dzimwe hwai

dzisiri dzedanga rino

ndinofanira kudziunzawo.

Idzo dzichanzwawo izwi rangu

saizvozvo kuchava nedanga rimwechete

nomufudzi mumwechete.

17Baba vanondida

pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu

kuti ndizougamuchirazve.

18Hapana anonditorera,

kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu.

Ndinesimba rokuhuparadza

uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare.

Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”

19Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya.

20Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.”

21Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?”

V: ZUVA GURU ROKUCHENURWA KWETEMBERIJesu anorambwa navaJudha nokuti aizviti Mwanakomana waMwari

22Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando.

23Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni.

24Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.”

25Jesu akavapindura achiti,

“Ndakakutaurirai asi hamutendi

mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira.

26Asi imi hamutendi

nokuti hamusi hwai dzangu.

27Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu,

uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera.

28Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi,

saizvozvo hadzimbofa dzakaparara.

Hakuna angadzibvute mumaoko mangu.

29Baba vangu vakadzipa kwandiri

vakuru kupinda ani zvake

uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba.

30Ini naBaba tiri mumwechete.”

31VaJudha vakatorazve matombo kuti vamutake nawo.

32Jesu akavapindura achiti, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka anobva kuna Baba; amunonditakira ndaapi ipapa?”

33VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa rakanaka asi kushonha Mwari nokuti iwe uri munhu kudai asi uri kuzviita Mwari.”

34Jesu akavapindura achiti,

“Hazvina kunyorwa here mumutemo wenyu

zvichinzi, ‘Ndakati muri vanamwari.’

35Kana akavati ndavanamwari

vaya vakavingwa nezwi raMwari.

Saka Magwaro Matsvene haapikiswi.

36Zvino munoti uyo akaitwa mutsvene naBaba,

akatumwa pasi pano,

uri kushonha Mwari

nokuti ndati ndiri Mwanakomana waMwari.

37Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu

regai zvenyu kunditenda.

38Asi kana ndichiaita

kunyange zvenyu musingatendi mandiri

tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise

kuti Baba vari mandiri

uye kuti Ini ndiri muna Baba.”

39Vakaedzazve kumubata asi akapunyuka mumaoko avo.

40Akaendazve kumhiri kwaJorodhani paya paimboombekera Johani pakutanga, akambogarako.

41Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.”

42Vazhinji vakabva vadavira maari ipapo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help