Nziyo 142 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Munamato womunhu ari mujereNhetembo yaDhavhidhi paaiva mubako munamato.

1Ndinochema zvinonzwika kuna TENZI;

nezwi rangu ndinotsvitsa chichemo

changu kuna TENZI.

2Ndinodurura nhuna dzangu

pamberi pake.

Ndinotaura nhamo dzangu

pamberi pake.

3Kana mweya wangu washaya simba

imi munoziva nzira yandinofanira kutora

munzira yandinofamba vakanditeera musungo.

4Tarisai zvenyu kurudyi muone

kuti hakuna anombondionawo,

hakuna kwokupotera,

hapana ane hanya neni.

5Ndinochema kwamuri TENZI

ndichiti ndimi diziro rangu;

nhaka yangu munyika yavapenyu.

6Chinzwai kuchema kwangu

nokuti ini ndapera simba;

ndiponeseiwo kuvanhu vanonditambudza

nokuti vane simba kupinda ini.

7Ndiburitseiwo mujeri

kuti nditende zita renyu

vakarurama vachandikomberedza

pamusana pokundiitira zvakanaka kwenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help