Nahumu Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Bhuku raNahumu rakanyorerwa kupemberera kuparara kwakanga kwavakuda kuita Ninivhe, guta guru ravaAsiria muvengi mukuru weIsiraeri. Kuparara kweNinivhe kwaionekwa sechirango chaMwari pamusana pokuipa kwakanga kwaita rudzi urwu. Zvinotaurwa naNahumu zvinoratidza umambo hwaMwari pamusoro pamarudzi ose zvawo. Rinoratidzazve kuti hapana rudzi kana uipi hunokunda Mwari. Bhuku raNahumu rine zvidimbu zvikuru zviviri. Mune chokutanga, Mwari anotonga Ninivhe (1:1–15), mune chechipiri, kuparara kweNinivhe (2:1—3:19).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raNahumuKutongwa kweNinivhe (1:1–15)Kuparara kweNinivhe (2:1—3:19)