Isaya 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Jinda roRugare

1Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi.

2Vanhu vaifamba murima

vaona chiedza chikuru;

vanhu vaigara munyika yezarima rorufu,

chiedza chavavhenekera.

3Maita kuti rufaro rwavo ruwande

mavapa rufaro rwakawanda

vari kupembera kufara pamberi penyu

sokufarwa kunoitwa pakukohwa

sokufara kunoita vanhu

pakugovana zvinenge zvapambwa.

4Pamusana pokuti matyora

joko raimuremera

netsvimbo yokumurova mapfudzi,

neshamhu yaiye waimubata zvakaipa,

sepazuva riya ramakakurira Midhiani

5nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo

dzavanogiga nadzo pasi muhondo

nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa

dzichapiswa sehuni dzomoto;

6nokuti tazvarirwa mwana,

tapiwa mwana mukomana;

umambo uchava mumaoko make

uye zita rake richanzi,

“Gurukotarinoshamisa,”

“Mwarisamasimbaose,”

“Babanyakugaranokugara,”

“Jindarorugare.”

7Umambo hwake

hucharamba huchingoenderera mberi

huine rugare rusina mugumo

ari pachigaro chaDhavhidhi

paumambo hwake

kuti hudzike midzi nokuhutsigisa

noruenzaniso noururami

kubvira zvino kusvikira narini wose.

Tenzi wehondo nehondo

neshungu dzake achatozviita izvozvo.

Kuranga kuchaitwa Isiraeri naMwari

8Tenzi atumira vokwaJakobho shoko

richasvika munzeve dzaivava vokwaIsiraeri

9vanhu vose vachariziva

vokwaEfuremu vagari vokuSamaria

vanotaura vachizvikudza

vanozvitutumadza vachiti,

10“Zvidhina zvakakoromoka zvazvo,

asi isu tichavaka namabwe akavezwa;

mikuyu yakatemwa zvayo,

asi tichaitsiva nemisidhari isu,”

11nezvo Tenzi achavamutsira mhandu

agovanyandurira vavengi vavo

12zvichiti vaSiria kumabvazuva,

vaFirisitia kumadokero

miromo yakashama

kuti vazhanye Isiraeri.

Nokuda kwaizvozvi

hasha dzake hadzina kupora

uye muruoko rwake

shamhu ichiri mudenga.

13Vanhu havana kupindukira

kuna iye aivaranga

kana kutsvaka

Tenzi wehondo nehondo.

14Ipapo Tenzi achagwishura

nhungamiri dzacho muIsiraeri

nokuita nhimura vokumuswe ivavo,

bazi romurara norutsanga zvarwo

pazuva rimwechetero.

15Vakuru vakuru navanoremekedzwa

ndidzo nhungamiri dzacho,

vaporofita vanodzidzisa zvenhema,

ndivo muswe ivavo;

16nokuti vanotungamirira vanhu ava

vanovatungamirira kusiriiko

navanotungamirirwa ivavo

vanobva vadzungaira.

17Naizvozvo Tenzi haazi kumbozoregerera

majaya avo achipunyuka,

haasi kuzoitira tsiye nyoro

nherera nechirikadzi dzavo

nokuti munhu wose

zvaMwari haachazvida

uye vose vatova vaiti vezvakaipa

zvose zvavanotaura nemiromo yavo ndezvoupenzi.

Nokuda kwaizvozvi

hasha dzake hadzina kupora

muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.

18Chinondidariso ndechokuti

uipi hunopisa somoto

hunoririmisa minzwa norukato

unotungidza majokochwa esango

zvigotogoka gore reutsi mudenga.

19Pamusana pehasha

dzaTenzi wehondo nehondo,

nyika inororoma kutsva

vanhu vachiita sehuni dzomoto

pasisina zvokunzwirana tsitsi.

20Vanoti uku norudyi tyorei

vachingosara vanayo nzara,

ukuwo noruboshwe vachimochira kudya

asi havaguti,

mumwe nomumwe achidya mumwe wake;

21vokwaManase vorwisana nevokwaEfuremu,

vokwaEfuremu vachirwisana nevokwaManase

vose pamwechete vachirwisa vokwaJudha.

Nokuda kwaizvozvi

hasha dzake hadzina kupora,

muruoko rwake shamhu

ichiri mudenga.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help