Ezekieri 29 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chiporofita chakanangana neIjipiti

1Mugore regumi mumwedzi wegumi pamusi wegumi nechipiri wemwedzi iwoyo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Iwe mwanakomana womunhu chinangana naFarao mambo weIjipiti uporofite wakanangana naye unanganewo neIjipiti yose.

3Taura uti zvanzi naTenzi Mwari:

“Chinzwai ndanangana newe,

iwe Farao mambo weIjipiti

iwe garanyanya zvaro guru rigere

pakati potukova twaro

rinotozviti,

‘Rwizi rwangu rweNairi

nderwangu ini pano!

Ndini inini ndakarwugadzira!

Ndichakuti koche koche

shaya dzako nezvirauro.

4Ndichakuisa zvikochekero mushaya dzako

ndigoita kuti hove dzomutukova twako

dziti name name mumakwande mako imomo.

Ndichakuraura kukuburitsa

mukati motukova twako

pamwechete nehove dzose

dzomutukova twako dzacho

dzinenge dzakuti namata

mumakwande mako.

5Ndichakukanda mugwenga

iwe nehove dzose

dzomutukova twako idzodzo,

muchati katakata musango zvamo

pasina zvokuunganidzwa muchivigwa.

Ndatokuitai nyama

yezvikara zvesango neyeshiri dzedenga.’

6“Ipapo vagari vose venyika yeIjipiti ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi nokuti vanga vari mudonzvo worutsanga waivimbwa nawo nemba yaIsiraeri.

7Pavakakubata muruoko wakabva watyoka ukabvarura mapfudzi avo ose. Pavakazendama newe, wakabva watyoka ukaita kuti vatyoke musana.

8Naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa, ndichaunza bakatwa pauri rigotsakatisa mauri vanhu pamwechete nomhuka

9nyika yeIjipiti igova renje zvaro risina chinhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.

“Zvaunoti rwizi rweNairi ndorwangu, uye ndini ndakarwuita,

10naizvozvo chirega uone, ndanangana newe, ndananganawo notukova twako. Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive nyika pasina, ive renje zvaro kubvira kuMigidhori zvichikwira kudzamara kuAswani zvichaenda kusvikira pamuganhu weItiopia.

11Hakuna munhu achatsika nomo norutsoka rwake kana tsiko haro remhuka richidimuradimura nomo. Ichagara kwamakore makumi mana isina munhu.

12Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive renje mukati medzimwe nyika uye maguta ayo achiva matongo mukati memamwe maguta akava matongo kwamakore makumi mana. Ndichaparadzira vaIjipiti mukati memarudzi ndichivati mwarara nedzinyika.

13“Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, mushure memakore makumi mana acho, ndichakokorodza vaIjipiti kubva kuvanhu kwavanenge vambopararira.

14Uye ndichadzosera Ijipiti makomborero ayo, ndigovadzosera kudunhu rePatirosi, dunhu ravo kwavakabva. Ikoko vachava noumambo zvawo husina mukurumbira.

15Ichava humambo hwokupedzesera chaihwo pane humwe hwose, haizombofa yava pamusoro pamamwe marudzi. Ndichaininipisa zvokuti haichazombotonga zvakare kana mamwe marudzi.

16Haizombofazve yakava iyo inovimbwa nayo neIsiraeri asi kutoti kudzokera kwairi kunenge kwatova chiyeuchidzo chokuipa kwavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi Mwari.”

Mambo Nebhukadhireza achakurira Ijipiti

17Mugore ramakumi maviri nechinomwe, mumwedzi wokutanga pamusi wechiposhi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

18“Iwe mwanakomana womunhu, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akaita kuti hondo yake irwise Tire zvakaomarara, vanhu vose vakasvuuka musoro, mapfudzi avo akasvauka asi iye nehondo yake havana chavakawana pakurwisa kwavo ikoko.

19Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwai, ndava kupa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi; achatakura upfumi hwayo; achaitora nokuipamba. Ndiwo uchava muripo wamasoja avo iwoyo.

20Ndamupa nyika yeIjipiti somuripo wake waakashandira nokuti vakandishandira.’ Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

21“Pazuva iroro ndichaita kuti imba yaIsiraeri ive nesimba uye ndichaita kuti uzaruke muromo pakati pavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help