1Tinokutendai Mwari, tinokutendai.
Tinodana zita renyu
tichikurukura zviito zvenyu zvinoshamisa.
2Panguva yakatemwa yandakasarudza
ndichatonga noruenzaniso,
3pachazunguzika nyika
navagari vayo vose.
Ndini ndichachengeta mbiru
dzayo dzakagadzikana.
Dzepfunde.
4Ndinoti kuna vanozvikudza, “Musazvikudze”
kuvakaipa ndinoti, “Musasimudze musoro.”
5Musasimudze musoro
kana kuomesa musoro pakutaura.
6Kusimudzirwa hakubvi
kumabvazuva kana kumadokero
kana kubva kugwenga,
7asi Mwari ndiye anotonga,
ndiye anodzikisa mumwe
achisimudzira mumwe.
8Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe
une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo
anoidurura
vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose.
9Asi ini ndinofara nokusingaperi
ndichaparidza nokuimba
ndichirumbidza Mwari waJakobho.
10Misoro yavakaipa achaidimbura
misoro yavakarurama ichasimudzirwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.