Nziyo 5 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Munamato wamangwanani wokukumbira kuchengetedzwaKumuimbisi anezvokuimbisa zvine hungiso. Rwiyo rwaDhavhidhi.

1TENZI, teererai zvandinotaura,

rangarirai kuungudza kwangu.

2Inzwai izwi rokuchema kwangu,

Mwari wangu naMambo wangu

nokuti ndinonamata kwamuri.

3TENZI, mangwanani, munonzwa izwi rangu.

Kumangwanani, ndinokugadzirirai

chibayiro ndomirira.

4Nokuti hamusi Mwari anofarira uipi,

uipi haugone kuita musha pamwechete nemi.

5Vanozvikudza havangagoni

kumira pamberi penyu,

munovenga vaiti vose vezvakaipa.

6Munoparadza vanotaura nhema

TENZI anovenga vanhu vanoda kudeura ropa

navanhu vanonyengedza.

7Asi pamusana pemwoyochena wenyu wakawanda;

ndichapinda mumba menyu.

Ndichanamata ndichikuremekedzai

ndakaringira kuTemberi yenyu inoera.

8Nditungamirireiwo TENZI, nokururama kwenyu,

nokuti ndine mhandu.

Ndijekesereiwo nzira yamunoda kuti

ndifambe nayo.

9Nokuti hapana chavanotaura chechokwadi.

Zviri pamwoyo pavo chaizvo

ndezvokuda kuparadza;

gurokuro ravo iguva rakashama

vanonyengedza norurimi rwavo.

10Ngavabatwe nemhosva yavo, Mwari.

Zvavakarangana izvozvo zvivaputsire pasi.

Pamusana pezvikanganiso zvavo zvakawanda,

vadzingei nokuti vakakupandukirai.

11Asi vanopotera mamuri ngavafare,

varambe vachiimba nomufaro.

Imiwo vadzivirirei,

kuitira kuti vanoda zita renyu

vapembere nokufara mamuri.

12Nokuti imi TENZI munokomborera mururami,

munomudzivirira senhoo nemweya wenyu wakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help