Kuverengwa Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Kuverengwa kana kuti Nhamba ibhuku rakanyorwa richitsanangura nhoroondo yavana veIsiraeri pavakafamba kwamakore makumi mana vachibva pagomo reSinai vakananga pamuganho wenyika iyo Mwari akanga avatsidzira kuti aizovapa. Bhuku iri rakanyorwa naMosesi, mugorea ra 1451 K.A.A. Rine chokuita nokuverengwa kwavaHebheru navaRevhi mushure mokunge tabhanakeri yavakwa yapirwa kuna Mwari. Bhuku iri rinoratidza pachena vana veIsiraeri vachidzungaira vari murenje. Pamwe vaiona zvinhu zvaivatyisa, nezvaivaoresa mwoyo. Dzimwe nguva vaipandukira Mwari, naMosesi, uyo akanga asarudzwa naMwari kuva mutungamiriri wavo. Asi Mwari akaramba achivanzwira tsitsi, achivasesedza kanapo vakanga vari vanhu vaisamuteerera. Mosesi, nokutenda kwake kuna Mwari nokuvanhu vake, akaita kuti Mwari azvidzore pahasha dzake.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roKuverengwaVaIsiraeri vanogadzirira kubva paSinai (1:1—9:23)a) Kuverengwa kokutanga (1:1—4:49)b) Mutemo nezvakatemwa (5:1—8:26)c) Pasika yechipiri (9:1–23)Kubva pagomo reSinai kuenda kuMoabhu (10:1—21:35)Zviitiko munyika yeMoabhu (22:1—32:42)Zvakaitika zvose parwendo rwokubva Ijipiti kuenda kuMoabhu (33:1–49)Dzidziso vasati vabira rwizi rweJorodhani (33:50—36:13)