Mika 7 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuora kwehunhu hwavanhu

1Maiwe zvangu inga ndawira ini,

nokuti ndaita senguva yezhizha

iya yokunge michero yapera kutanhwa,

senguva yokunge magirepisi

apera kufuhwiwa,

kusisina zvako kana

chisumbu chokuti udye,

kusisinawo maonde

okutangisisa kuibva andinodisisa aya.

2Vanhu vanotya Mwari

vapera pasi pano,

muvanhu'mu

hamusisina mutsvene.

Vose zvavo vanohwandirana

vachida kuurayana

vachivhimana nomumbure

hama nehama.

3Uipi ndohwavana maoko nahwo,

ishasha chaidzo pakuhuita,

gurukota nomutongi

vose vanoda pfumbamuromo,

mukuru mukuru chaiye

anototaura zvake zvakaipa

zviri mumwoyo make

vobva vatoiruka nyaya yacho

pamwechete.

4Wakanakisisa chaizvo pakati pavo

akaita sorukato

ari pachokwadi chaipo wacho

akaita soruzhowa rweminzwa.

Rasvika zuva riya rokurangwa

zuva renharirire

zvokukangaidzwa kwenyu

zvauya zvino.

5Rega kuvimba nomumwe wako

kana kuvimba neshamwari zvayo,

bata rurimi rwako

kunyange kumudzimai wako chaiye

6nokuti mwanakomana haachambooni

baba vake sechinhu

mwanasikana achimukirawo

amai vake

muroora achipandukira

vamwene vake.

Mhandu dzomunhu dzava

vanhu vomumba make chaimo.

7Asi kana ndiri ini,

changu kutarisa kuna Tenzi.

Ndichamirira Mwari, ruponesi rwangu,

Mwari wangu achandinzwa.

IV: CHITARISIRO MUNE ZVERAMANGWANATenzi ndiye anonunura

8Muvengi wangu iwe,

rega zvako kunditi

toko waro.

Kana dai ndikaputsikira pasi,

ndichamuka,

kana dai ndikagara zvangu murima

Tenzi achava chiedza changu.

9Ndichatirira zvangu

kushatirirwa kwandakaitwa naTenzi

nokuti ndakamutadzira

kusvikira iye Mwari

ava kutondirevererawo

andienzanisirawo mhosva yangu.

Achandisvitsa kuchiedza

ndichitozvionerawo kununura kwake.

10Ipapo vavengi vangu vachazviona,

nyika igobatwa nenyadzi, nyika yaimbonditi,

“Ko Tenzi, Mwari wako aripiko?”

Ndichanyatsoitarisa nyika iyoyo

izvozvo ichitsokodzerwa pasi

samatope munzira.

Kudzorerwa kwezvinhu pakare

11Richasvika haro zuva

rokuvaka masvingo ako.

Pazuva iroro muganho wenyika

uchasvika uko nokokoko.

12Pazuva iroro

vanhu vachauya kwauri

vachibva kuAsiria nokumaguta ekuIjipiti

uye kubva kuIjipiti

kundosvikawo kurwizi rweYufuratesi

kubvawo kugungwa

kundosvikawo kugungwa

kubvawo kugomo

kundosvika kune rimwe gomo.

13Asi nyika ichasara yava renje

pamusana pavagari vayo

uri mubayiro wezviito zvavo.

Mwoyochena waTenzi kuvanhu vake

14Fudzai vanhu venyu

nomudonzo wenyu,

danga renyu renhaka

vava kungogara zvavo

voga musango

mukati menyika yamapindu.

Varegei vandofura zvavo

muBhashani nomuGireadhi

sapamazuva apasichigare.

15Sapamazuva aya amakabuda

munyika yeIjipiti

muvaratidze zvinhu zvinoshamisa.

16Marudzi avanhu achazvionerawo agonyara

vaine simba ravo zvavo kudaro.

Vachati nazvo muromo kapu

vachitodzivira nzeve nazvo.

17Vachananzva guruva senyoka

sezvinokambaira zvapasi pano.

Vachabuda vachihuta kudedera

munhare dzavo dzokuhwanda hondo.

Vachatendeukira kuna

Tenzi, Mwari wedu

vachitya pamusana penyu.

Kukumbira ruregerero

18Ndiani Mwari akaita semi

anoregerera uipi

anokanganwira vanhu kukanganisa

kuchitsama chavakasara

chenhaka yake.

Iye haarambi akashatirwa

narini narini nokuti

chaanofarira kuita mwoyochena.

19Achatinzwira ngoni zvakare

agotsokodzera uipi hwedu

pasi petsoka dzake.

Muchakanda zvitadzo zvedu zvose

pasi pasi pegungwa.

20Imi mucharatidza vokwaJakobho

kutendeseka kwenyu

muchionesawo vokwaAbhurahamu

mwoyochena wenyu

sokupika nemhiko

kwamakaita kumadzibaba edu

kubvira pasichigare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help