Nziyo 144 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo rwaDhavhidhi.Munamato wamambo wokutenda

1Ngaarumbidzwe TENZI dombo rangu,

anodzidzisa maoko angu hondo

uye minwe yangu kurwisa.

2Ndiye dombo rangu nenzvimbo

yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo,

ndiye nhare yangu nomununuri wangu.

Ndiyewo nhoo yangu nediziro rangu

iye anoisa vanhu pasi pangu.

3Nhai TENZI

iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira

iye munhuwo zvake wamunofunga.

4Munhu akaita sefemo,

mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.

5Kotamisai matenga enyu muburuke TENZI,

batai makomo apfumbuke utsi.

6Penyesai mheni muvamwararise;

tumai miseve yenyu muvadzipure.

7Tambanudzai ruoko rwenyu kubva

kumusoro ikoko mundinunure,

mundiponese mumvura zhinji,

mumaoko avatorwa

8vane miromo inoreva nhema

vane ruoko rworudyi

ruoko rwerudyi rwokutsidza narwo nhema.

9Ndichakuimbirai rwiyo rutsva, Mwari

ndichikuridzirai dimbwa rine gumi retambo.

10Imi munoita kuti madzimambo akurire

imi makanunura Dhavhidhi muranda wenyu.

11Ndinunurei kubakatwa rehondo youtsinye;

mundinunure mumaoko avatorwa,

vanhu vanotaura manyepo

vano ruoko rwavo rworudyi,

ruoko rworudyi rwokutsidza narwo nhema.

12Tinokumbirawo kuti vana vedu vakomana,

kubvira pauduku hwavo

vaite sezvinomera zvakasvika,

vana vedu vasikana vave sembiru

dzapamakona dzakavezerwa kuvaka muzinda.

13Matura edu ngaazare

apote achiwanisa vanhu zvinhu zvose.

Hwai dzedu dzibereke gumi nefararira

mumafaro muve namazana akazanirana.

14Mombe dzedu ngadzive navana vakawanda,

pasina isingabereki kana inosvodza.

Parege kuva nokuungudza mumigwagwa yedu.

15Rwakakomborerwa rudzi rwakadaro,

rwakakomborerwa rudzi runa TENZI samwari warwo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help