2 Samueri 11 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Dhavhidhi naBhatishebha

1Muchirimo, nguva yepfumvudza, nguva yaiwanzoenda madzimambo kuhondo, Dhavhidhi akatuma Joabhu namakurukota ake pamwechete neIsiraeri yose. Vakandokurira vaAmoni, vakabva vorwisa Rabha. Asi Dhavhidhi akasara zvake kuJerusaremu.

2Zvakaitika kuti manheru zuva rarereka Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake ofamba-famba zvake padenga remba yamambo, ari padengapo akaona mukadzi aishamba muviri. Mukadzi uya akanga aine chimiro chakanaka kwazvo.

3Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi iyeyo ndiani. Mumwe akati, “Haasi Bhatishebha here, mwana waEriamu mudzimai waUriya muHiti?”

4Dhavhidhi ndokutuma nhume dzakandomutora. Mukadzi uyu akauya kwaari. Dhavhidhi akapinda mumba nomukadzi uyu. (Izvozvo mukadzi uyu ainge achitozvichenura pakun'ora kwaakanga aita.) Mukadzi uyu akazodzokera zvake kumba kwake.

5Akabata pamuviri akabva atumira shoko kuna Dhavhidhi rokuti, “Ndava napamuviri.”

6Dhavhidhi ndokutumira shoko kuna Joabhu rokuti, “Nditumire kuno Uriya muHiti.” Joabhu akatumira Uriya kuna Dhavhidhi.

7Pakasvika Uriya kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti zviri kufamba sei kuna Joabhu uye kuti vanhu vakadii zvavo uyewo kuti hondo iri kurwiwa zvakadii.

8Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Chimboenda zvako kumba kwako umbondoshamba tsoka dzako uzorore.” Uriya akabuda mumuzinda wamambo achiteverwa pakarepo nechipo chakabviswa namambo.

9Asi Uriya akarara kumusuo womuzinda wamambo pamwechete navamwe vavaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake.

10Pavakataurira Dhavhidhi kuti Uriya haana kudzika kumba kwake, Dhavhihdi akati kuna Uriya, “Ko hauna kubva parwendo here? Chawaregerera kudzika kumba kwako chii?”

11Uriya akati kuna Dhavhidhi, “Mungati uku bhokisi rechitenderano nevokwaIsiraeri nevokwaJudha, vagere kudaro mumisasa, uye changamire wangu Joabhu pamwechete namakurukota enyu changamire wangu vagere panze pachena kudaro, ini ndopondoenda zvangu kumba kwangu kundodya nokunwa nokutopinda zvangu mumba nomukadzi wangu here? Kana ndimiwo zvenyu munongozvionawo kuti ini pachangu handimbofa ndakaita chinhu chakadai.”

12Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya, “Chiramba zvako uri pano nhasi, mangwana ndopandichakurega woenda zvako.” Saizvozvo Uriya akaramba ari muJerusaremu zuva iroro namangwana acho.

13Dhavhidhi akamukoka, iye akadya nokunwa pamwechete naye akasvika pakutomuraradzisa. Asi manheru acho Uriya akaenda akandorara pauriri hwake pamwechete navaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake.

14Mangwanani acho Dhavhidhi akanyorera Joabhu tsamba akaitumira naiye Uriya.

15Mutsamba iyoyo akanyora kuti, “Isa Uriya kumberimberi chaiko kunenge kuchipisa hondo kwazvo mugodududza momusiya ari oga kuitira kuti auraiwe afe.”

16Joabhu paaingunorwisa guta iroro akatuma Uriya kwaaiziva kuti kune shasha chaidzo dzokurwa hondo.

17Varume vomuguta iri vakabuda vakarwisa Joabhu. Mukati mavanhu, mamwe makurukota aDhavhidhi akafa. Uriya muHiti akaurayiwawo.

18Joabhu akatuma shoko kuna Dhavhidhi rezvekurwa ikoku.

19Akarayira nhume iyi kuti, “Ukange wapedza kusvitsa shoko rezvekurwa iri kuna mambo,

20kana mambo akaviruka nehasha akati kwauri, ‘Pakurwa kwenyu makasvikirei pedyo neguta kudaro? Hamaizviziva here kuti vaizopfura vari parusvingo?’

21Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ”

22Saizvozvo nhume iyi yakaenda ikasvika ikataurira Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumwa naJoabhu kundotaura.

23Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta.

24Vemiseve vakapfura kwatiri isu varanda venyu kubva parusvingo. Mamwe makurukota enyu mambo akafa. Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo.”

25Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.”

26Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akafa akachema murume wake.

27Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help