1 Johani 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Vanangu ndiri kukunyorerai izvi

kuti murege kupara chitadzo.

Asi mumwe wenyu akaita chitadzo

tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami.

2Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu;

kwete zvitadzo zvedu zvoga

asi nezvitadzowo zvapasi pose.

2 Unofanira kuchengeta mitemo zvikuru worudo

3Chinoratidza kuti tinomuziva,

kuchengeta mitemo yake.

4Munhu anoti ndinomuziva

iye asingachengeti mitemo yake, munyepi

uye chokwadi hachisi maari.

5Asi anochengeta shoko rake,

maari rudo rwaMwari

runobva rwanyatsozadzikiswa.

Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti

takabatana naye.

6Munhu anoti

ndinogara ndakabatana naye,

anofanira kutevedzawo

nzira yaakafamba nayo.

7Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva

asi mutemo wapasi chigare,

wamaingova nawo kubva pakutanga.

Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa.

8Kunyange zvakadaro zvazvo

asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva;

chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri,

nokuti rima riri kupfuura,

chiedza chechokwadi chava kutopenya.

9Munhu anoti ndiri muchiedza

asi iye achivenga hama yake, achiri murima.

10Anoda hama yake ari muchiedza;

machiri hamuna chinomugumbura. 3 Unofanira kusiyana nezvenyika

11Asi munhu anovenga hama yake, ari murima

uye ari kufamba murima

uyewo haasi kuziva kwaari kuenda,

nokuti rima rakamupofomadza maziso.

12Ndiri kukunyorerai vanangu,

nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake.

13Ndiri kukunyorerai imi madzibaba

nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga.

Ndiri kukunyorerai imi vechiduku

nokuti makakunda muipi.

Ndiri kukunyorerai imi vana

nokuti munoziva baba.

14Ndiri kukunyorerai imi madzibaba

nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga.

Ndiri kukunyorerai imi vechidiki

nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari

rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi.

15Usatorwe mwoyo nenyika

kana nezvinhu zvenyika.

Kana munhu akada nyika

kuda Baba hakumo maari

16nokuti zvose zviri panyika zvinoti:

ruchiva rwenyama nemesomeso,

kana kuzvikudza paupenyu,

hazvibvi kuna Baba,

zvinobva kunyika.

17Nyika iri kupfuura

pamwechete nehavi dzayo

asi uyo anoita kuda kwaMwari

anogara nokusingaperi.

4 Unofanira kuchenjerera mhandu dzaKristu

18Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira

uye sokunzwa kwamakaita

kuti mhandu yaKristu iri kuuya,

saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya.

Naizvozvo tinoziva kuti

ino yava nguva yokupedzisira.

19Vakabva mukati medu,

asi vakanga vasiri vamwe vedu

nokuti dai vakanga vari vedu,

vangadai vakaramba vanesu.

Asi vakabva mukati medu

kuti zvibude pachena

kuti, vose zvavo, havasi vedu.

20Asi imi makazodzwa naiye Mutsvene

imi mose munozviziva.

21Ndinokunyorerai, kwete, nokuti hamuzivi chokwadi

asi nokuti munochiziva

uye nokuti hakuna manyepo anobva muchokwadi.

22Ndiani munyepi?

Kusiya uyo anoramba kuti

Jesu ndiye Kristu.

Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu

nokuti anoramba Baba naMwanakomana.

23Wose anoramba Mwanakomana, Baba haanavowo.

Wosewo anobvuma Mwanakomana, Baba anavowo.

24Regai zvamakanzwa pakutanga

zvirambe zviri mamuri.

Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga

zvikaramba zviri mamuri

ipapo imi mucharamba muina

Mwanakomana uye muina Babawo.

25Upenyu husingaperi

ndicho chitsidzo chaakatitsidzira.

26Ndiri kukunyorerai izvi

nezvevavo vangakunyengedzei.

27Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye,

anoramba ari mamuri.

Hazvichisina basa kwamuri

kuti muve neanokudzidzisai,

nokuti iye wamakazodzwa naye

anokudzidzisai uye ndewechokwadi

ari pachokwadi haarevi nhema

sokukudzidzisai kwaakakuitai,

rambai muinaye.

28Zvino vanangu, garai makabatana naye

kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo.

Tirege kunyara pakuuya kwake.

29Kana muchiziva kuti iye akarurama

munofanira kunyatsoziva kuti

munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help