Nziyo 145 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwaDhavhidhi rwokurumbidza.Rumbo rwokurumbidza Mwari mambo

1Ndinokukudzai Mwari wangu

namambo wangu,

ndicharumbidza zita renyu narini narini.

2Ndichakurumbidzai mazuva ose

ndichikudza zita renyu narini narini.

3TENZI mukuru

uye anofanira kurumbidzwa zvikuru;

ukuru hwake haugoni kutsvagurudzwa hukawanikwa.

4Chizvarwa chicharumbidza kune chimwe

chizvarwa mabasa enyu

uye chichaparidza zviito zvesimba renyu.

5Ndichanyatsofungisisa nezvomukurumbira

woumambo hwenyu husingaitiki

uye nezvamabasa enyu anoshamisa.

6Vanhu vachataura nezvesimba

rezvamunoita zvinotyisa;

ini ndicharondedzera ukuru hwenyu.

7Vachakurukura kwazvo mukurumbira

wokunaka kwenyu kukuru

uye vachaimba zvikuru nezvokururama kwenyu.

8TENZI akanaka uye ane tsitsi,

haakurumidzi kushatirwa

uye azere nemwoyochena.

9TENZI akanaka kumunhu wose

uye ane tsitsi nechose chaakasika.

10Zvose zvamakasika zvichakutendai TENZI

uye vatsvene venyu vose vachakutunhidzai;

11vachataura nezvembiri youmambo hwenyu

vachikurukura nezvesimba renyu,

12kuzivisa vanhu simba ramabasa enyu

uye mukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki.

13Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara

kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.

TENZI anotendeka pane zvose zvaanotaura

uye zvaanoita zvose anozviita nemwoyochena.

14TENZI anotsigira vanenge vavakuputsika

uye anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo.

15Meso ose anotarisa kwamuri

imi muchivapa chokudya chavo

nenguva yakafanira.

16Munotambanudza ruoko rwenyu

muchigutsa nezvinodiwa

nechinhu chose chipenyu.

17TENZI akarurama panzira dzake dzose

uye ane mwoyochena pane zvose zvaanoita.

18TENZI ari pedyo navanodanidzira kwaari

kuna vose vanodanidzira kwaari muchokwadi.

19Anozadzisa zvido zvavanomutya

uye anonzwa kuchema kwavo achivaponesa.

20TENZI anochengetedza vose vanomuda

asi vakaipa vose anovaparadza.

21Muromo wangu uchataura uchirumbidza TENZI

vanhu vose ngavarumbidze

zita rake rinoera narini narini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help