Kubuda 37 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kugadzirwa kwebhokisi rechitenderano(Kub 25:10–22)

1Bhezarieri akatora mapango omuunga akagadzira bhokisi rechitenderano. Rakanga riri zana ramasendimita rina masendimita gumi kureba, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu, udzami hwaro huchiitawo makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu.

2Rakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze ndokuriitira mukombero wendarama kumusoro kwaro.

3Akarigadzirira maringi mana endarama okuisa mumakona mana ebhokisi. Akaisa maringi iwayo pamakona mana ebhokisi akati uku maviri uku maviri.

4Akaveza mapango omuunga, akaatsvetera nendarama.

5Akapfekera mapango iwayo okutakurisa bhokisi rechitenderano mumaringi aiva pamativi aro.

6Akagadzirawo hwidibiro yaro yendarama chaiyo yakanakisisa, urefu hwayo hwaiita zana ramasendimita rina masendimita gumi, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu.

7Akatora ndarama akapfura mifananidzo miviri yezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu, akazvigadzira zviri pamativi maviri ehwidibiro.

8Akanamira makerubhu iwayo pahwidibiro akati rimwe kerubhu kwokupedzesera uku, rimwe kerubhu kwokupedzeserawo uku. Akaagadzira akabatana nayo zvokuti aiva chinhu chimwechete nehwidibiro.

9Makerubhu iwayo akanga akatarisa pahwidibiro akatarisana akasimudzira mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro.

Teburu yechingwa chapana Mwari(Kub 25:23–30)

10Akagadzirawo teburu yomuti womuunga, urefu hwayo hwaiita makumi masere amasendimita ana masendimita masere, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huchiita masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu.

11Akainamirira ndarama chaiyo yakanakisisa, ndokuipendera nendarama mativi ose.

12Akaigadzirira mupendero waiipoteredza waiva noupamhi sehwechanza, akaisa kamutsetse kendarama kunze kwawo kakapoteredza mupendero iwoyo.

13Akaigadzirira maringi endarama mana okupfekera mapango okuitakurisa, akaaisa pamakona mana apamakumbo ayo.

14Maringi anopfekerwa mapango okutakurisa teburu akaaisa pedyo nomupendero uya.

15Akaveza mapango omuunga okutakurisa teburu yacho, akaanamira nendarama.

16Akaigadzirira midziyo yendarama chaiyo yakanakisisa yokushandisa patafura ipapa. Akagadzira ndiro nembiya namajagi omupiro wokuteura.

Kugadzirwa kwechigadzikiro chomwenje cheminora(Kub 25:31–40)

17Akagadzirawo chigadzikiro chomwenje, cheminora chendarama chaiyo yakanakisisa, pamwechete negaro racho nehunde yacho akazvigadzira achiita zvokupfura. Maruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, akanga akabatanidzwa nacho kuita chinhu chimwechete.

18Chaiva namapazi matanhatu aibva pachiri, chaiti uku matatu, uku matatu.

19Bazi rokutanga, kune rumwe rutivi, rakanga rakanamatidzwa maruva matatu ainge maruva omuarimondi akazaruka neasati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwewo rutivi rakanga rakanamirirwa maruva akazaruka neasati azaruka. Zvakaitwa zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu.

20Hunde yechigadzikiro pachayo pakanamatidzwa maruva mana ainge maruva omuarimondi akazaruka naasati azaruka.

21Pose pose paisangana hunde namapazi maviri maviri nechepasi pawo, ose ari matanhatu, pakange pakanamatidzwa ruva rimwechete risati razaruka.

22Chigadzikiro ichocho namapazi acho namaruva acho zvaiva zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvakabatanidzwa zviri chinhu chimwechete.

23Akagadzira marambi manomwe okuisa pachigadzikiro ichi, nezvigero zvokuchekesa tambo dzamarambi netireyi dzendarama chaiyo yakanakisisa.

24Akachigadzira pamwechete, nemimwe midziyo yacho yose nendarama chaiyo yakanakisisa yairema makumi matatu amakirogiramu ana makirogiramu mashanu.

Kugadzirwa kweatari yokupisira rusenzi(Kub 30:1–5)

25Akaveza mapango omuunga ndokugadzira atari yokupisira rusenzi. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana. Urefu hwayo hwaiva masendimita makumi mana ana masendimita mashanu, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mashanu. Kukwira kwayo mudenga kwaiita masendimita makumi mapfumbamwe. Zvinenge nyanga zviri pamusoro pamakona ayo zvakavezwa zvakabatanidzwa nayo.

26Atari iyoyo yakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviya zvapamusoro pamakona ayo. Pamusoro peatari pakapenderwa nomukombero wendarama.

27Akagadzira maringi mana endarama akaanamatidza panyasi pomukombero wayo uya, achiti uku maviri uku maviri, ndimo mukupfekera mapango aye okuitakurisa nawo.

28Akaveza mapango omuunga, akaanamirira ndarama.

Kugadzira rusenzi namafuta okuzodza nawo(Kub 30:22–38)

29Akagadzira mafuta anoera okuzodza nawo. Akagadzirawo rusenzi runonhuhwirira zvakanaka sezvinoita vagadziri vamafuta anonhuhwira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help