1Areruya.
Ndichatenda TENZI
nomwoyo wangu wose
mugungano ravakarurama,
musangano.
2Mabasa aTENZI makuru
anodzidzwa navose vanoafarira.
3Basa rake rino mukurumbira nechiremera,
ururami hwake hunogara huripo nokusingaperi.
4Akadzika chokuti timuyeuke nacho
mabasa ake anoshamisa,
TENZI ane mwoyo wakanaka uye ano tsitsi.
5Anopa chokudya vanomutya,
haakanganwi chitenderano chake.
6Akaratidza vanhu vake
simba ramabasa ake
nokuvapa kwaakaita
nhaka yaiva yamarudzi.
7Mabasa amaoko ake
anotendeseka uye anoruenzaniso,
mitemo yake inovimbika.
8Ipfirapo narini narini,
yakatemwa mukutendeka nomuchokwadi.
9Akatuma ruponeso
kuvanhu vake;
akasunga chitenderano
chake nokusingaperi,
zita rake rinoera uye rinotyisa.
10Kutya TENZI
ndiko kutanga kwoungwaru,
vose vanoita kudaro
vanobva vava nokunzwisisa chaiko.
Mwari acharumbidzwa nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.