1 Nhoroondo 27 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvikwata zvehondo navatungamiriri vazvo

1Aya ndiwo mazita avanhu veIsiraeri, vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navatungamiriri vezviuru navamazana namakurukota aishandira mambo mune zvose achitsivana pabasa mwedzi woga woga. Chikwata choga choga chaiva nezviuru makumi maviri nezvina.

2Chikwata chokutanga,

chaiva chomwedzi wokutanga

chaitungamirirwa naJashobheamu

mwanakomana waZabhudhieri.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

3Aiva wechizvarwa chokwaFeresi,

ari mukuru wavatungamiriri vehondo

vose vemwedzi wokutanga wacho.

4Chikwata chechipiri, chaiva chomwedzi wechipiri

chaitungamiririrwa naDhodhai muAhohi.

Mikiroti ndiye aiva mukuru wechikwata chake.

Chikwata ichi chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

5Chikwata chechitatu, chaiva chomwedzi wechitatu

chaitungamirirwa naBhenaya

mwanakomana womupristi

Jehoyadha ariye changamire.

Chikwata chake chaivawo navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

6Iyeyu ndiye Bhenaya uya aiva rimwe gamba

rokurwa hondo mukati memakumi matatu aye

ari mutungamiriri wamakumi matatu acho.

Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye

aiva mukuru wechikwata chake.

7Chikwata chechina, chaiva chomwedzi wechina

chaitungamirirwa naAsaheri munun'una

waJoabhu achitevedzerwa

nomwanakomana wake Zebhadhiya.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

8Chikwata chechishanu, chaiva chemwedzi wechishanu

chaitungamirirwa naShamuhuti wokwaIzhari.

Chikwata chakewo chaiva navanhu zviuru

makumi maviri ane zvina.

9Chikwata chechitanhatu,

chaiva chomwedzi wechitanhatuwo;

chaitungamirirwa naIra

mwanakomana waIkeshi wokuTekoa.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

10Chikwata chechinomwe,

chaiva chomwedzi wechinomwe;

chaitungamirirwa naHerezi

wokuPeroni wokwaEfuremu.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

11Chikwata chechisere,

chaiva chomwedzi wechisere;

chaitungamirirwa naSibhekai

wokuHusha wokuZera.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

12Chikwata chechipfumbamwe, chaiva chomwedzi

wechipfumbamwe, chaitungamirirwa naAbhiezeru

wokuAnatoti wokwaBhenjamini.

Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri.

13Chikwata chegumi,

chaiva chomwedzi wegumi;

chaitungamirirwa naMaharai

wokuNetofati wokwaZera.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

14Chikwata chegumi nechiposhi,

chaiva chomwedzi wegumi nechiposhi,

chaitungamirirwa naBhenaya wokuPiratoni.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

15Chikwata chegumi nechipiri,

chaiva chomwedzi wegumi nechipiri,

chaitungamirirwa naHeridhai

wokuNetofa wokwaOtinieri.

Chikwata chake chaiva navanhu

zviuru makumi maviri ane zvina.

Vatungamiriri vemadzinza evaIsiraeri

16Vatungamiriri vemadzinza avaIsiraeri ndevava ava:

wokwaRubheni ndiEriezeru mwanakomana waZikiri

ari mukuru wevatungamiriri

wokwaSimeoni ndiShafatiya mwanakomana waMaaka

17wokwaRevhi ndiHashabhiya mwanakomana waKemueri

wokwaAroni, ndiZadhoki

18wokwaJudha ndiErihu mukoma waDhavhidhi

wokwaIsakari ndiOmuri mwanakomana waMikaeri

19wokwaZebhuruni ndiIshimaya mwanakomana waObhadiya

wokwaNafutari ndiJeremoti mwanakomana waAzirieri

20wokwaEfuremu ndiHoshea mwanakomana waAzaziya

wechimwe chikamu chokwaManase ndiJoeri

mwanakomana waPedhaya

21wechimwewo chikamu chokwaManase kuGireadhi

ndiIdho mwanakomana waZekariya

wokwaBhenjamini ndiJaasieri

mwanakomana waJerohamu.

22Ivava ndivo vakanga vari vatungamiriri vamadzinza evaIsiraeri.

23Pakuverenga vanhu, Dhavhidhi haana kuverenga vaiva vasingasvitse makumi maviri amakore pazera nokuti Tenzi akanga atsidzira Isiraeri kuti achavawanza senyenyedzi dzedenga.

24Joabhu mwanakomana wavaZeruya akatangisa kuverenga vanhu, asi haana kupedza. Kunyange zvakadaro Mwari akavirukira Isiraeri nehasha pamusana paizvozvi nezvo uwandi hwavo hauna kuzonyorwa muNhoroondo dzaMambo Dhavhidhi.

Vokuchengetedza upfumi hwokwamambo

25Aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwokwamambo ndiAzimavheti mwanakomana waAdhieri. Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwomumaruwa nomumaguta nomumisha nomunhare dzakavakirirwa.

26Aiona nezvavanhu vaiita basa romuminda rokurima ndiEziri mwanakomana waKerubhu.

27Aiona nezveminda yamagirepisi ndiShimei wokuRama.

Aiona nezvezvinhu zvaikohwewa muminda yemagirepisi,

zvamaichengeterwa magirepisi ewaini ndiZabhadhi wokwaShifumu.

28Aiva wokuonawo nezvemiti yemiorivhi neyemikuyu mumanhika kuShefera akanga ari Bhaarihanani wokuGedheru.

Aiona nezvemaichengeterwa mafuta eorivhi ndiJoashi.

29Aiva wokuona nezvamatanga emombe aifudzirwa kuSharoni ndiShitirai wokuSharoni ikoko.

Wokumatanga emombe dzaiva kumakan'a ndiShafati mwanakomana waAdhirai.

30Aionawo nezvenghamera ndiObhiri wokwaIshimaeri.

Aiva wokuona nezvamadhongi ndiJehidheya wokuMeronoti.

Wokuonawo nezvehwai nembudzi ndiJazizi wokuHagiri.

31Vose ivava ndivo vaiva vakachengeteswa upfumi hwokwamambo Dhavhidhi.

Machinda okupa Dhavhidhi mazano

32Babamudiki vaDhavhidhi, Jonatani, vaiva jinda rake vakanga vari munhu anonzwisisa vari munyori. Ivo naJehieri mwanakomana waHakimoni aidzidzisa vanakomana vamambo.

33Ahitoferi aivawo jinda ramambo, uye Hushai wokuAriki akanga ari shamwari yamambo.

34Ahitoferi akazotsiviwa panzvimbo yake naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uyewo naAbhiyatari.

Joabhu ndiye aiva mutungamiriri mukuru wehondo yamambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help