Tsumo 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mubayiro wokuva noungwaru

1Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu

uye ukapfimbika mauri mitemo yangu,

2uchirerekera nzeve yako kuungwaru,

uchitorwa mwoyo nenzwisiso

3nokungewo uchichemera kuzivisisa

uchidaidza kunzwisisa

4ukatsvaka ungwaru sesirivha

uchihutsvaka upfumi hwakavandika.

5Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa

uchibva wawana kuziva Mwari,

6nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru

mukanwa make ndimo munobva

ruzivo nokunzwisisa

7anochengetera vakarurama

ungwaru chaihwo

ndiye nhowo yokudzivirira

vanofamba zvakarurama.

8Anochengetedza maitiro okutonga

kwakarurama

achichengetedza nzira yavarurami vake.

9Ndopaunozonzwisisa kuti

ururami noruenzaniso

nokuva pachokwadi chii

uyewo maitiro ose akarurama

10nokuti uchapindura mwoyo noungwaru

uye ruzivo ruchave shamwari yako.

11Kuziva kusarudza

kuchakuchengetedza,

kuziva chokusarudza

kuchakutarira.

12Kuchakununura kunzira yakaipa

kuvanhu vanotaura zvakaora,

13vanhu vanosiya nzira tsvene

vachifamba munzira dzerima;

14vanofarira kuita zvakaipa

vanonakirwa nokushata kwouipi;

15vanhu vane nzira dzakakombama

vanokuita kwakamonyoroka.

16Zvinokununura kumukadzi asiwako

kumukadzi asingazivikanwi

twaanotaura norurimi rwake twunotapira

17mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki

achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake.

18Anonyudza pasi kurufu imba yake

nzira dzake dzinodzika kuvafi.

19Wose anoenda kwaari haadzoki

haazowanazve nzira youpenyu.

20Saka famba nenzira yavanhu vakanaka

uchengetedze nzira dzavakarurama

21nokuti vakarurama ndivo

vachagara panyika

uye vanotendeseka vachararama mairi

22vakaipa vachabviswa panyika

vanoujarijari vachatipurwapo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help