Jeremiya 18 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Jeremiya anoshanyira muumbi wehari

1Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati,

2“Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.”

3Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera.

4Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake.

5Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti,

6“Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri.

7Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza

8uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri.

9Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima,

10kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira.

11Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’

12“Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ”

Kuramba Tenzi kwavanhu

13Naizvozvo, zvanzi naTenzi:

“Imbobvunzaiwo pakati pevechirudzi

kuti ndiani akambonzwawo zvakadai sezvizvi?

Mhandara iyi, Isiraeri

yakaita zvinhu zvakaipisisa kwazvo.

14“Chando cheRebhanoni

chinombopera here pazvikangararwe

zveGomo reSirioni?

Mvura yomugomo

inombopwa here kuerera,

tukova tune mvura inotonhorera?

15“Asi vanhu vangu vandikanganwa.

Vanopisira rusenzi

kuna vamwari vasirivo

vanogumburwa munzira dzawo,

nzira dzakare

vakapinda mutwunzirawo zvatwo

kwete mumigwagwa mikuru

16vachiita kuti nyika yavo

ive chiseko chaicho

chinhu chinoridzirwa zvacho tsamwa

narini wose.

“Munhu wose anopfuura nemairi

anokatyamadzwa nazvo

achidzungudza musoro wake.

17“Sezvinoita mhepo yokumabvazuva,

ndichavamwayanisa kuvavengi.

Ndichavapa gotsi ndisingambovatarisa

pazuva ravo renhamo.”

Bangano rakaitirwa Jeremiya

18Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano

okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi

mutemo hauzofa wakarova kunyange

zano kuna vangwaru harimboperi,

kana irowo shoko rinobva kumuporofita.

Uyai timutape mukanwa,

tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura.

19“Imi Tenzi,

Teererai munzwe chichemo changu.

20Ko zvakaipa zvingave ndizvo here

zvokutsiva nazvo zvakanaka?

Asi vakandicherera hunza

kuti vandiurayire imomo.

Rangarirai kumira kwendakaita

pamberi penyu ndichivareverera

kuti mudzore hasha dzenyu kwavari.

21Naizvozvo pinzai vana vavo

mushangwa yenzara vaparadzwe namapakatwa,

vadzimai vavo vasare vasisina vana,

dzangove chirikadzi

varume ngavafe nedenda,

majaya avo aurayiwe nebakatwa muhondo.

22Mudzimba dzavo ngamuve nokuchema,

pamunoerekana mavaunzira muurayi,

nokuti vakandicherera hunza kuti ndiwiremo,

vakateyera tsoka dzangu misungo.

23Asi imi Tenzi munoziva

bangano ravo rokuda kundiuraya.

Musavaregerere uipi hwavo

kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu.

Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help