Isaya 41 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Dare raMwari namarudzi ose

1“Nditeererei makanyarara

imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa,

imi ndudzi dzavanhu

chisungai dzisimbe

muuye padyo mutaure,

ngatiunganei pamwechete titongane.

2“Ndiani akasvosva

munhu wokumabvazuva

anoti pose paatsika

anongokurira chete.

Anoti marudzi mumaoko make kacha

achitsokodzera madzimambo pasi petsoka.

Nebakatwa rake

anoita kuti vave guruva,

nouta hwake

achivaitisa chimwandamwanda samashanga.

3Anonyatsovaronda

pasina kana chinomuwana

nenzira dzaasati ambotsika zvake.

4Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike,

ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa

kubvira pakutanga?

Ndinika iyeni Tenzi.

Ndini iye

wokutanga noWokupedzisira.

5“Nyika dzokumahombekombe kwegungwa

dzakazviona dzikatya,

vekwakaperera nyika chaiko

vakadedera vava kukotonoka kuuya.

6Vanhu vari kuyamurana

mumwe achitaurira mumwe wake kuti,

‘Tsunga mwoyo.’

7Mhizha yebasa

inokurudzirana nemhizha yezvendarama

nowokukwenenzvera achipfura nenyundo

neanorova pachisindi

achiti kune anonama,

‘Manamiro acho akanaka.’

Vanorovera chifananidzo chokunamata

nezvipikiri

kuti chirege kuzunguzika.

8“Asi iwe Isiraeri, muranda wangu,

iwe Jakobho wandakasarudza

Imi chizvarwa chaAbhurahamu,

shamwari yangu.

9Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika

ndikakudaidza kubva kure kure,

ndichiti kwauri

‘Iwe uri muranda wangu

ndakusarudza handina kukurasa.

10Naizvozvo usatye nokuti ndinewe.

Usatambudzike zvako mumwoyo

nokuti ini ndini Mwari wako.

Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira,

ndichakutsigira noruoko rwangu

runokurira.’

11“Chinzwa,

vose zvavo vane daka newe

vachanyadziswa zvigovapazamisa,

vanorwisana newe

vachava sezvinhu pasina

vagotsakatika.

12Vanokwikwidzana newe

uchavatsvaka ukavashaya

vanorwisana newe

vachava sechinhu chisina maturo

13nokuti ini Tenzi, Mwari wako

ndakakubata ruoko rwako rworudyi.

Ini ndini ndiri kukuti,

‘Rega kumbotya zvako

ndinokubatsira.’

14“Rega kutya Jakobho,

iyewe honye zvayo kudai,

iyemi vanhu veIsiraeri!

Ndichakubatsirai,

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi;

mununuri wenyu,

ndini Anoera waIsiraeri.

15Chinzwai,

ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho

chitsva chakapinza

china mazino

uzopura makomo uchiaparadza,

zvikomo uchizviita semarara zvawo.

16Muchazviurutsa

zvigopeperetswa nemhepo

zvigomwarariswa nedutu.

Asi imi muchazofara zvikuru

muri muna Tenzi,

muchakurumbira

naiye Anoera waIsiraeri.

17“Varombo navasina chavanacho

vari kutsvaka mvura, asi hapana

vatooma pahuro nenyota,

ini Tenzi ndichavapindura,

Ini Mwari weIsiraeri

handivafuratiri.

18Ndichadziura hova pazvikomo zvisina miti

nezvisipiti mumapani,

Renje ndichariita dziva remvura

pasi pakaoma ndichipaita chisipiti chemvura.

19Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari

yemiunga neyemumituri nemiorivhi,

ndichisima mugwenga misaipurasi

nemipureni nemipaini pamwechete

20kuitira kuti vanhu vaone vagoziva,

varangarire vagonzwisisa pamwechete

kuti simba roruoko rwaTenzi

ndorwaita izvozvi,

uye kuti

iye Anoera waIsiraeri

ndiye asika izvozvi.

Tenzi ndiye chete Mwari

21“Tenzi ari kuti,

pirai nyaya yenyu

muunze zvokutsigira nyaya yenyu.

Ndizvo zviri kutaurwa

naMambo wevokwaJakobho.

22Ngavauye nazvo

zvifanotinyevera zvichazoitika,

zvititaurire zvinhu zvapasi chigare

kuti ndezvipi zvacho,

tifunge nezvazvo

tizive kwazvichazoperera

kana kuti

zvitizivise zviri mune ramangwana,

23zvititaurire zvichaitika mangwana

tiziveka kuti muri vanamwari.

Wanaiwo chamungaite

chingave chakanaka kana chakaipa

chitikangaidzeka kana kutityisa.

24Chionaika kuti,

hapana nezvamuri,

zvamunoita zvinhu pasina.

Anokusarudzai anosemesa kwazvo.

25“Ndamutsa mumwe wokumaodzanyemba

ari kuuya nechokumabvazuva

anonamata zita rangu.

Anotsokodzera vatongi semadhaka,

somuumbi ari kukanya munyakwe.

26Ndiani akazvitaura pakutanga

kuti tizvizivewo

akafanozvireva kuti tigoti,

‘Aiva pachokwadi.’

Hapana akafanozvitaura

kana kuwana akazviparidza.

Hapana kana neakambokunzwai

muchizvitaura.

27Hezvika ndatotanga kuzviparidza muZioni,

ndapa kuJerusaremu

muparidzi weshoko rakanaka.

28Asi ndinoti ndakatarisa

ndinoona pasina mumwe akadai.

Pakati paivava hapana kana jinda zvaro

rokuti kana ndikabvunza

ringapindure.

29Munongozvionawo kuti,

vose zvavo mazungairwa chaiwo,

zvavanoita hazvina maturo

zvifananidzo zvavo zvokunamata

zvoutare hwakanyungurutswa

inongovawo mhepo zvayo,

hapana zviripo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help