2 Nhoroondo 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mambokadzi wokuShebha anoshanyira Soromoni(1 Madzi 10:1–13)

1Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni, akauya kuJerusaremu kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura twunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni, akamutaurira zvose zvaiva mumwoyo make.

2Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana chimwechete chakanga chakavanzika kuna Soromoni chaakatadza kumutsanangurira.

3Mambokadzi uyu wokuShebha paakaona ungwaru hwaSoromoni nemba yaakanga avaka,

4kwoti patebhuru apa chokudya chaaidya, kwozoti mugariro waiita makurukota ake, iwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaive vakaita kwotiwo navaimuperekera waini nomupfekero wachowo wavaiva vakaita, kwozoti nemipiro yake yokupisa yaaipira kumba yaTenzi, zvakamushayisa romuromo.

5Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvochokwadi,

6asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga namaziso angu. Inga kutaurirwa hunyimwa! Zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pamakuriro akaita ungwaru hwenyu. Zvamuri zvinopfuura zvandakanzwa.

7Zvavo, vanhu venyu! Zvavo chokwadi machinda enyu, anogara ainemi achinzwa zvawo ungwaru hwenyu hwakadai.

8“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kukugadzai umambo pachigaro chake choumambo kuitira iye Tenzi, Mwari wenyu. Pamusana pokuti Mwari wenyu akada Isiraeri akadawo kuti varambe varipo narini wose ndosaka akakugadzai umambo hwavo kuti kutonga zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”

9Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yairema makirogiramu anopfuura zviuru zvina netwokubikisa tunonhuhwirira twakawanda namatombo anokosha. Hakuna kumboita tunonhuwirira twakadaro setwakapuwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.

10Makurukota aHuramu namakurukota aSoromoni akandotora ndarama kuOfiri, akaunzawo mapango omuti womuarugumu namatombo anokosha.

11Mambo akagadzira mitandariko yamapango omuarugumu yemumba yaTenzi neyomumuzinda wamambo. Akavezawo zvipendani namadimbwa avaimbi. Hakuna kumboonekwa zvakadai munyika yeJudha.

12Mambo Soromoni akapa mambokadzi uyu wokuShebha zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengi zvaakauya nazvo kuzopa mambo. Iye akakotonoka akadzokera zvake kunyika kwake namakurukota ake.

Upfumi hwamambo Soromoni(1 Madzi 10:14–25)

13Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu

14pasingaverengwe yaiunzwa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi. Madzimambo ose okuArabhia navatongi vamatunhu vaiunzawo ndarama nesirivha kuna Soromoni.

15Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaita zvokupfurwa nhoo huru imwechete yaiva yendarama yakaita zvokupfurwa yairema makirogiramu ainge oda kuita manomwe.

16Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo imwechete yaiva nendarama yairema makirogiramu ainge oda kuita matatu. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni.

17Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira ndarama chaiyo yakanakisisa.

18Kundosvika pachigaro choumambo paiva nemadanho matanhatu nechokuisa tsoka chendarama zvaiva zvakabatanidzwa nechigaro choumambo. Kumativi uku chigaro ichi chaiva nepokuisa maoko. Paiva neshumba mbiri dzakamira parutivi pezvokuisa maoko,

19paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aya ose ari matanhatu dzakati imwe uku, imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai.

20Midziyo yose zvayo yokunwira yamambo Soromoni yaiva yendarama. Midziyo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni.

21Pamusana pokuti ngarava dzamambo dzaienda kuTarishishi namachindawo aHuramu. Kamwechete pamakore matatu, ngarava idzodzo dzokuTarishishi dzaiunza ndarama nesirivha nomunyanga wenzou etsoko namakudo.

22Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi nomungwaru.

23Madzimambo apasi pose aidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.

24Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chendarama kana chamachira kana kuti mura nechimwe chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi.

25Soromoni aiva nezviuru zvina zvetumatanga twamabhiza nengoro dzehondo dzamabhiza nezviuru gumi nezviviri zvavachairi vadzo, vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo.

26Aitonga madzimambo ose kubvira muna Yufuratesi zvichienda kunyika yavaFirisitia kundosvika kumuganhu neIjipiti.

27Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika kuShefera kuwanda.

28Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokune dzimwe nyika dzose ouyiwa nawo.

Rufu rwaSoromoni(1 Madzi 11:41–43)

29Inga dzimwe nyaya dzezvaSoromoni kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani mubhuku reNhoroondo dzomuporofita Natani nomune zvakaporofitwa naAhiya wokuShiro noMuzviratidzo Zvakaonekwa noMuoni Idho zvichinangana naJerobhoamu mwanakomana waNebhati.

30Soromoni akatonga Isiraeri yose kwemakore makumi mana ari muJerusaremu.

31Soromoni akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Robhamu mwana wake mukomana ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help