Jeremiya 17 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chitadzo chevokwaJudha neshamhu yacho yokuranga

1“Chitadzo chevokwaJudha chakanyorwa nepenzura yesimbi ine muromo wedhaimondi, chakaita zvokutemerwa pafendefa remwoyo wavo uye napazvinenge nyanga zvapakona dzeatari dzavo.

2Izvozvo vana vavo pfungwa dzinenge dziri kuatari dzavo nokuzvifananidzo zvavo zvokunamata zvinomiririra Ashera pasi pomuti wose wose wakasvibira nomuzvikomo zvirefu

3nomumakomo musango umu. Upfumi hwenyu nezvose zvamunazvo zvakakosha ndichaita kuti zvipambwe somubayiro wezvitadzo zviri munyika yenyu yose zvayo.

4Imi nhaka yandakakupai muchairegedza ndichikuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha, moto ukabaka unoramba uchingobvira.”

Mashoko mamwe akasiyana-siyana(Nzi 1:1–3; Zvak 2:23; 22:12)

5Zvanzi naTenzi,

“Ane rushambwa munhu anovimba nomunhu,

anoti munhu, ndiye simba rake

ane mwoyo wokufuratira Mwari.

6“Akafanana negwenzi riri mugwenga

hapana chakanaka chaanowana.

Achagara munzvimbo dzakaoma dzomugwenga,

munyika yebare isingagare munhu.

7“Akakomborerwa munhu anovimba naTenzi,

munhu ane chivimbo naTenzi

8akaita somuti wakasimwa pamvura

unoendesa midzi yawo mukakova

hauzozeza kupisa kana kuchiuya

nokuti mashizha awo anoramba akasvibira

uye hauzotyira gore rokushaikwa kwemvura

nokuti haumborega kubereka muchero.

9“Mwoyo unonyengedza kupfuura

zvinhu zvose zvazvo

uye wakaora nouipi ndiani angaunzwisise husingarapiki.

10Ini Tenzi ndinoongorora mwoyo

ndichipenengura pfungwa dzomunhu

kuti ndipe munhu wose maererano nomugariro wake,

uye maererano nezviito zvake.”

11Sezvinoita hware kuunganidza nhiyo

dzaisina kuchechenya,

ndozvinoita munhu anowana upfumi

zvisina mvumo.

Huchamukurumuka pamazuva oupenyu hwake

achagumisira ava benzi romunhu.

12Nzvimbo yedu Inoera,

chigaro choumambo chomukurumbira

chakaiswa pakakwirira kubvira pakutanga chaipo.

13Imi Tenzi, chitarisiro cheIsiraeri,

vose vanokufuratirai imi vachanyadziswa.

Vanenge vachiipa gotsi

vachanyorwa pavhu

nokuti vakafuratira Tenzi

tsime remvura mhenyu.

Munamato waJeremiya wokukumbira rubatsiro

14Ndirapeiwo Tenzi kuti ndipore

ndinunureiwo ndipone

nokuti ndimi wandinorumbidza.

15Hezvika vava kunditi,

“Ko zvinorehwa naTenzi zvacho

zviripiko? Ngazviuyeka!”

16Handina kukumanikidzirai

kutumira zvakaipa kana kusuwira zuva renhamo,

imi munozviziva.

Hapana chakabuda pamuromo pangu chamusingazivi.

17Regai kundityisa

imi ndimi diziro rangu pazuva renhamo.

18Nyadzisai vanonditambudza

asi ini murege kundinyadzisa

ngavavhiringike nazvo asi ini ndirege kuvhiringika.

Vaunzirei zuva renhamo

munyatsovaparadza zvokuparadza zviya.

Kueresa Sabata

19Tenzi akanditi, “Enda undomira paSuo Guru raVanhu panopindwa nokubudiwa napo namadzimambo okwaJudha uye nepamisuo yose mikuru yeJerusaremu,

20uti, ‘Imi madzimambo okwaJudha nemi mose vokwaJudha navagari vose veJerusaremu vanopinda napamisuo mikuru iyoyi, inzwai shoko raTenzi.’

21Zvanzi naTenzi, zvichenjererei upenyu hwenyu murege kutakura mutoro musi weSabata kana kupinda nawo napamisuo mikuru yeJerusaremu.

22Regaiwo kutakura mutoro muchibuda nawo mudzimba dzenyu nomusi weSabata kana kuita basa ripi neripi zvaro. Asi eresai zuva reSabata sokuudza kwandakaita madzibaba enyu.

23Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve yavo asi kuti vakatoomesa musoro kuti varege kunzwa kana kudzidzisika.

24“Tenzi ari kuti asi kana imi mukanditeerera mukaregawo kupinda nomutoro nomumisuo mikuru yeguta rino pazuva reSabata muchieresa zuva reSabata musingaite basa pazuva iroro,

25pakadarowo madzimambo namadzishe anogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vachapinda napamisuo mikuru yeguta rino vari mungoro dzehondo dzamabhiza ivo namachinda avo vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu uye guta rino richagarwa narini narini.

26Vanhu vachakurumuka vachibva kumaguta okwaJudha nenzvimbo dzomunharaunda meguta reJerusaremu vachibvawo kunyika yokwaBhenjamini nokunyika yoKumanhika nokunyika yamakomo nokuNegevhu vachiuya nemipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro youpfu hwembesanwa norusenzi vachiuyawo nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.

27Asi kana mukarega kunditeerera kuti muerese zuva reSabata muchirega kutakura mutoro nokupinda nayo napamisuo mikuru yeJerusaremu pamusi weSabata, nezvo ini ndichabatidza moto mumisuo mikuru yaro ucharoromesa mizinda yeJerusaremu usingadzimiki.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help