Isaya 61 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko rakanaka rokununurwa

1Mweya waTenzi Mwari

uri pandiri

nokuti Tenzi

akandizodza

kuti ndiparidze shoko rakanaka

kuvarombo.

Akandituma kuzonyaradza

vakasuruvara mwoyo,

nokuparidzira vari muutapwa

rusununguko,

nokusunungurwa kwavari muusungwa

2uye kuparidza kuvanhu

gore raTenzi retsiye nyoro

nezuva raMwari wedu rokutsiva

nokunyaradza vose vanochema

3kuti ape vanochema muguta reZioni

chiremba chokufara chamaruva

panzvimbo pamadota okusuwa,

mafuta amafaro

pachinzvimbo chenhamo yokuchema

avape hanzu dzokurumbidza nadzo

panzvimbo pokuora mwoyo.

Vachatonzi miti yemioku yoururami

yakasimwa naTenzi

kuti agorumbidzwa.

4Vachavakazve pamatongo akare

vachamutsurudza zvinhu zviya

zvakanga zvati pasi mbombombo.

Vachagadziridzazve maguta

akanga aparadzwa

akanga aita matongo

kwezvizvarwa nezvizvarwa.

5Vauyi zvavo ndovachava

vokukufudzira zvipfuwo,

vatorwa ndovachava

vokukurimirai minda

nevokukuchengetedzerai

minda yamagirepisi.

6Asi imimi muchanzi

vapristi vaTenzi,

vanhu vachakutii

vashandiri vaMwari wedu.

Muchatodya upfumi hwevechirudzi

muchiwana zvenyu mukurumbira

noupfumi hwavo.

7Panze pokuti munyare muchatopiwa

mugove wakapetwa, kaviri.

Panze pokunyadziswa

muchafara nomugove wenyu.

Naizvozvo munyika menyu imomo

mugove wakapetwa kaviri

uchange uri wenyu

chenyu imi chichava

rufaro rwokugara nokugara.

8“Ndinodaro nokuti ini Tenzi

ndinoda ruenzaniso,

zvokupamba vanhu ndinozvivenga,

ndinovengawo zvokuita zvakaipa.

Ndichavapa mubayiro wavo chaivo,

ndichaita chitenderano navo

chokugara nokugara.

9Zvizukuru zvavo zvichanyatsozivikanwa

mukati memarudzi evanhu,

navana vavo

mukati mavanhu vose.

Vose vachavaona vachabvuma

kuti vanhu vakakomborerwa naTenzi.”

Jerusaremu rinopembera kufara richiti:

10“Ini ndinokurumbidzai Tenzi

nomwoyo wangu wose,

mweya wanguwo

unopemberera Mwari wangu

nokuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso,

akandifukidza nehanzu dzokururama

sokuzvipfekedza kunoita

murume anenge achichata

uye sokuzvishongedza nezvishongo

kunoita musikana ari kuchata.

11Sezvinongoita nyika

inomeresa mabukira,

uye sezvinongoitawo bindu

kumeresa zvinenge zvadyarwamo

ndizvozvowo zvinoita Tenzi Mwari,

anoita kuti ururami nomukurumbira

zvitungire, marudzi ese zvawo evanhu achiona.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help